Uncategorized

Vanhu vodzoserwa kumba

20 Jul, 2020 - 21:07 0 Views
Vanhu vodzoserwa kumba

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kusimbaradza chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 uye nezuro vanhu vaida kupinda muguta reHarare vachibva kunzvimbo dzakasiyana vasina matsamba akakodzera ekufambisa vaidzoserwa kudzimba.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa avo vasvika 1 611 munyika yose.

Pahuwandu uhu, 472 vakatonaya asi vamwe 25 vakafa.

Vanhu 133 vakawanikwa vaine Covid-19 nemusi weSvondo bedzi.

Vakabatwa vaine chirwere ichi vanosanganisira 17 vakabva kuSouth Africa ne116 vagara vari munyika muno uye vasina kumbobuda kunze kweZimbabwe.

Dunhu reBulawayo ndiro rine vanhu vakawanda vane chirwere ichi vanove 483 richiteverwa neHarare ine 465 kwozouya Matabeleland South ine 210.

Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vawanikwa vaine Covid-19 vanove 19.

Dare reCabinet svondo rapera rakazivisa kuti pachatorwa matanho ekusimbaradza chirongwa chekumisa kupararira kweCovid-19 zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

Kusiyana nakare apo vakawanda vaiwanikwa vaine Covid-19 vaibva kunze, pari zvino vakawanda vari kubatwa vaine chirwere ichi vanhu vemunharaunda dzemuno.

Ongororo yakaitwa neKwayedza mumigwagwa inopinda muHarare saSeke Road naChurchill Avenue yakaratidza midungwe yakareba yemotokari nemabhazi zvichitevera marodhibhuruko emapurisa nechinangwa chekuongorora vanofamba.

Vose vainge vasina matsamba anodiwa pakufamba vaidzoserwa kwavabva.

Asi, Kwayedza yakaona vamwe vaifamba netsoko vachinzvenga mapurisa mushure mekuburutswa mumabhazi nedzimotokari vachipinda muguta nenzira dzekuverevedza.

Zimbabwe iri padanho rechipiri rekurwisa kupararira kweCovid-19 (Level 2 lockdown).

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyeuchidza veruzhinji kuti lockdown ichiriko uye vanhu vanofanirwa kutevedzera mitemo yakatarwa pasi pechirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>