Uncategorized

Vanodarika 60k vabaiwa booster

04 Feb, 2022 - 08:02 0 Views
Vanodarika 60k vabaiwa booster Dr Mahomva

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 60 000 kusvika pari zvino vabaiwa nhomba yechitatu (booster) yekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo vamwe 3,3 miriyoni vabaiwa majekiseni aya zvizere – rekutanga (1st dose) nerechipiri (2nd dose).

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 61 244 vange vabaiwa nhomba yechitatu.

“Vanhu 4 017 vabaiwa nhomba yekutanga nhasi izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga aya husvike pa4 278 394 apo 3 734 vabaiwa yechipiri zvikaita kuti huwandu uhu huende pa3 307 507 uye 2 452 vabaiwa yechitatu zvikakwidza huwandu uhu kusvika pa61 244,” rinodaro bazi iri.

Vanhu vaviri vakafa neCovid-19 apo vamwe 161 vakabatwa vaine denda iri nemusi weChitatu bedzi.

Kusvika nemusi uyu, vanhu 230 012 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri muZimbabwe mumwedzi waKurume 2020.

Pavarwere ava, 219 997 vakatopona asi vamwe 5 352 vakafa.

Chikamu chevarwere vari kupona pari zvino chiri pa95 percent.

Hurumende svondo rapera yakanyevenutswa matanho ekurwisa kupararira kweCovid-19 zvichitevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kufa nevari kubatwa nayo.

Asi veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vasavarairwe panyaya yekuzvidzivirira kuchirwere ichi sezvo chichiri njodzi uye vasati vabaiwa nhomba vanokurudzirwa kuti vabaiwe senzira yekurwisa denda irori.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, vanoti kunyangwe zvazvo Hurumende yakanyevenutsa matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachipfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko uye nekugeza mawoko avo nesipo nemvura inochururuka kana kushandisa sanitizer.

“Tinofara kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchidzikira. Zvisinei, denda iri tichinaro,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti matanho ekurwisa Covid-19 akanyevenutswa zvichitevera ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano maringe nemamiriro ezvinhu asi zvakakosha kuti vasati vabaiwa nhomba vabaiwe.

“Hutachiona uhu hwakatibata tisingafungire nekudaro zvose zvose zvinogona kungoitika.

“Hatifanirwe kuvarairwa uye tinofanirwa kuramba tichibaiwa nhomba tichitevedzera nemazvo matanho aripo ekudzivirira denda iri akadai sekupfeka mamasiki nenzira kwayo nekushandisa sanitizer. Zvakakosha zvikuru kuti tirambe takangwarira,” vanodaro Dr Mahomva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>