Uncategorized

‘Varume muchinyanyawo’

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Varume muchinyanyawo’

Kwayedza

DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dziri kushora mukadzi wekuBorrowdale, muHarare, uyo ari kuti akapihwa mhiko nen’anga yekuMozambique yekuti aite mari kuburikidza nekutora mbeu yevarume vaanenge asasana navo, iyo anoisa mukadende ichizodyiwa nezvidhoma.Mbuya Marita Ried (64) vekuZinatha vanoti kuromba kwemhando iyi hakuna kunaka sezvo kuchiguma kwakanganisa utano pamwe neupenyu hwevarume vane mbeu inenge yatorwa.

“Kumudzimai uyu, ndinoti mazvokuda mavanga enyora. Asi varume vari kutorerwa mbeu yavo ichinodyiswa zvidhoma vanoda kubatsirwa. Saka muchizoona vamwe vasisakwanise kusasana nemadzimai avo, vanogadzirwa nevanhu vakadai ava,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ivo varume ngavadzikamewo, vakasada kudarikwa nemarokwe vanosangana nazvo saizvozvi. Kune varume vanongopoya-poya hezvoka!

“Kupihwa kunoitwa zvinonzi zvidhoma izvi mbeu yevarume zvichinodya zvinogona kuita kuti varume vacho vozongoondoroka voshaya kuziva kuti chii.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>