Uncategorized

Vashanyi vekunze vouya kuZim

04 Mar, 2022 - 08:03 0 Views
Vashanyi vekunze vouya kuZim

Kwayedza

Prosper Ndlovu ari kuDubai, UAE

VASHANYI vekunze votaridza chido chekushanyira Zimbabwe zvakare zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa matanho airambidza vanhu kufamba-famba pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaona budiriro yeindasitiri yezvekushanyirwa ichidzokera kumashure kubva pakatanga denda iri munaZvita 2019.

Zimbabwe yakanyevenutsawo zvakare matanho ekuti vashanyi vakwanise kuuya munyika muno vakasununguka asi pachitevedzwa zvizere mitemo yekurwisa denda iri.

Senzira yekusimudzira chikamu chezvekushanyirwa kwenyika, Zimbabwe ichaita musangano wepasi rose pakati pemusi wa5 na6 Kurume apo icharatidza zvigadzirwa nezvimwe zvinokwezva vashanyi kuti vauye munyika muno.

Indasitiri yezvekushanyirwa yakabatsira nechikamu che4,1 percent pakusimukira kwehupfumi hwenyika (Gross Domestic Product) muna2020, inove mari inodarika US$620 miriyoni.

Kana zvichienzaniswa nemuna2019, chikamu ichi chakakanganiswa zvakanyanya nechirwere cheCovid-19 zvakaita kuti chibatsire paGDP nemari shoma-shoma.

Muhurukuro paZimbabwe Pavilion, pachironga chiri kuenderera mberi cheExpo 2020 Dubai kuUnited Arab Emirates (UAE), vashanyi vekunze vane chitsama vari kutaridza kuve nechido chekushanyira Zimbabwe kuzoona nzvimbo dzinoyevedza nezvimwe.

Vashanyi ava vanoti vanoda kushanyira munyika muno, kekutanga muhupenyu hwavo kana kuti setevedzo yekushanya kwavakamboita kare, vachikwezvwa nezvakasiyana-siyana.

VaKrzysztof Woloszyn vanobva kuPoland vanoti kunyangwe zvazvo vasati vamboshanya kuZimbabwe, nyika ino inozivikanwa munyaya dzezvekushanyirwa pasi rose.

Vanoti vanofadzwa nezviratidzwa zveZimbabwe pachirongwa ichi, kunyanya mifananidzo yebhiriji reVictoria Falls, maruva nezvimwe zviwanikwa zvemusango.

“Ndinoda Zimbabwe nekuti ndinofarira kugocha nyama nekudya chikafu. Ndinofarira zvakare mamiriro ekunze nevanhu vane hushamwari hwakanaka,” vanodaro VaWoloszyn.

“Zimbabwe inyika yakanaka zvikuru kwandiri asi hazvisi nyore kushanya pari zvino nekuda kwedenda iri. Asi rwendo rwangu runotevera ndichaenda kuNamibia neZimbabwe uye chiroto changu chikuru kuti ndisvikeko.”

VaNeil Gomez vekuPhilippines vanoti Expo Dubai yavapa mukana wekuona zvakazara nzvimbo dzinoyevedza nezvimwe zvinovakwezva kuti vashanyire Zimbabwe.

“Handisati ndamboshanyira kuZimbabwe muhupenyu hwangu, aka ndekekutanga kangu kushanyira nzvimbo ino (Zimbabwean Pavilion) iyo inopa dzidziso yakakosha uye yakanaka zvikuru,” vanodaro.

“Chanyanya kukwezva mwoyo wangu zvigadzirwa nemhuka dzesangano nekudaro ndine tarisiro yekuzoshanyira nzvimbo dzinochengetwa mhuka dzesango idzi. Ndinoona kuti zvakanaka zvakanyanya uye ndine chishuwo chekuendako.”

Mumwe wevashanyi akati anonzi Remy wekuFrance, anoti ashanyira kuZimbabwe kakawanda uye ane chishuwo chekushanya zvakare.

Anoti Zimbabwe neBotswana ndidzo nyika dzaanonyanya kufarira kushanya pasi rose sezvo aine shamwari dzakawanda kunyika mbiri idzi.

“Ndinoda Zimbabwe uye ndine tarisiro yekuti chikamu chezvekushanyirwa chichadzoka zvine mutsindo. Ndinoda nyika yenyu, taronga nzendo dzakawanda neshamwari dzangu uye nguva dzose tinofadzwa nekushanya uku zvakanyanya,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>