Uncategorized

Vasinganzwi vane kodzero yedzidzo

21 Oct, 2021 - 10:10 0 Views
Vasinganzwi vane kodzero yedzidzo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE nguva pfupi yadarika yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva guru reInternational Day of Sign Language iro ranga richimhanya nedingindira rinoti ‘Mitauro Yemasaini Ikodzero Yevanhu’.

Zuva iri rinocherechedzwa nomusi wa23 Gunyana gore negore nechinangwa chekukoshesa kodzero dzevasinganzwi.

Vachitaura pachirongwa chakaitirwa pamasai-sai eZoom, Mai Barbra Nyangairi vanova executive director wesangano reDeaf Zimbabwe Trust vanoti vanofara zvikuru kukusha ruzivo maringe nekukosha kwemitauro yemasaini inoita kuti pave nebudiriro kuvanhu vasinganzwi.

“Kana tikacherechedza kodzero dzevanhu vasinganzwi, zvikuru kuburikidza nekuvawanisa dzidzo maringe nemitauro yemasaini vachiri vadiki, zvinoita kuti vave vanhu vanobudirira muhupenyu vasingamiriri kuita mabasa ekupemha uye zvinobvisawo nyaya dzerusarura.
Kuwaniswa kwevarairidzi vakakwana vakafundira mitauro yemasaini nemasirabhasi ane mitauro yemasaini muzvidzidzo zvese, kwakakosha kuitira kuti vadzidzi vasinganzwi vawane dzidzo yemhando yepamusoro,” vanodaro.

Mai Nyangairi vanoenderera mberi vachiti, “Tinotenda zvikuru mabasa makukutu ari kuitwa neHurumende ekusimudzira kodzero nezvido zvevanhu vasinganzwi kuburikidza nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari apo vakacherechedza mutauro wemasaini panyaya yedzidzo yevasinganzwi.
Hurumende yakagadzira sirabhasi yemutauro wemasaini kubvira paGiredhi 1 kusvika 3 uye Judicial Service Commission yakaita kuti pave nezvinyorwa zviri mumitauro yemasaini senzira yekuona kuti vanhu vasinganzwi vachengetedzwa pamwe nekuzvimiririra panyaya dzemitemo zvinova zvakasandura raramo yevanhu ava.”

Vanoti zvakakosha kuti mhuri dzinogara nevasinganzwi pamwe nenharaunda vatambire zvikuru budiriro iri kuitwa nevanhu vakaremara.

“Tinokurudzira kuti vana vavhenekwe nekukasika vaonekwe kuti vane dambudziko rekunzwa here uye rine hudzamhu hwakadii zvinobatsira kuti vakurumidze zvekare kuiswa muzvirongwa zvedzidzo yemasaini kuti vasarasikirwe nemashoko pamwe nedzidzo.

Tinokurudzirawo vabereki vane vana vasinganzwi kuti vasavavige mudzimba asi kuti vabude navo pachena uye kuvatsigira munyaya dzedzidzo,” vanodaro Mai Nyangairi.

Sangano reDeaf Zimbabwe Trust riri kubatsira zvikuru vanhu vasinganzwi kuburikidza nekuvawanisa vaturikiri vemitauro yemasaini nevanovatorera mashoko panguva yekudzidza.
Mutauro wemasaini uri pakati pemimwe mitauro 16 inocherechedzwa mubumbiro remutemo weZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>