Vatambi 2 vecricket vatemerwa zvirango

01 Feb, 2024 - 20:02 0 Views
Vatambi 2 vecricket vatemerwa zvirango Wesley Madhevere

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vechikwata chenyika checricket cheChevrons — Wesly Madhevere naBrandon Mavuta — vakatemerwa zvirango nesangano reZimbabwe Cricket mushure mekubatwa kuti vange vachitora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri.

Vaviri ava vakatemerwa zvirango zvekuti vasatambe mutambo uyu kwemwedzi mina uye mari yavo yavanotambira ichange ichidamburwa nepakati mushure mekunge zvaonekwa kuti vakatyora mutemo weZC Employment Code of Conduct.

Vakamiswa pamberi pedare redisciplinary committee iyo yakatonga nyaya yavo.

Muchinyorwa, Zimbabwe Cricket inoti Madhevere naMavuta vakamiswa kutamba mutambo uyu kwemwedzi mina nekuda kwekutora zvinodhaka asi vachaendeswa pachirongwa chekuvabatsira nekuvadzidzisa kuti vabve mune zvinodhaka.

“Zimbabwe Cricket yakatemera zvirango kuvatambi venyika, Wessly Madhevere naBrandon Mavuta, kuti vasatambe cricket kwemwedzi mina nekuda kwemhosva yekutora zvinodhaka.

“Vaviri ava vakatemerwa zvirango izvi mushure mekubvuma mhosva dzavo apo vakamiswa pamberi pedare nyaya yavo ichitongwa yekutyora mutemo weZC Employment Code of Conduct.

“Zvakabuda kuti vari kutora zvinodhaka zvisingatenderwe apo vatambi vaiongororwa zviri mumuviri yavo munaZvita gore radarika.

“Pamusoro pezvo, Madhevere naMavuta vakabhadharisa faindi izvo zvichaona mari yavanotambira ichidamburwa nepakati kutanga munaNdira 2024 uyezve vakanyorerwa matsamba ekuvayambira,” inodaro ZC.

Brandon Mavuta

ZC inoenderera ichiti: “Apo vave kuenda pachirongwa chekuvabatsira kuvabvisa mune zvinodhaka chichange chichiitwa neZC, vakakurudzirwa kuti vaite gadziriro dzavo pasi pechirongwa cheZC High Perfomance Programme.

“ZC haitombode kunzwa zvezvinodhaka kana kutorwa kwezvinodhaka saka pakutemera zvirango izvi komiti yezvemitemo yakaona kuti kutora zvinodhaka imhosva huru uye kutyorwa kwemutemo kwakaitwa nevatambi vaviri ava kwakasvibisa zita resangano pamwe chete nemutambo uyu.”

Zvakadaro, mune chimwe chiitiko, ZC yakatemera zvirango kumutambi Kevin Kasuza uyo akabatwa svondo radarika kuti ange achitorawo zvinodhaka.

Kasuza ari kutarisirwa kumiswa pamberi pekomiti ichatonga nyaya yake munguva pfupi inotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>