Vatambi veAston Villa vouya muZim

29 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Vatambi veAston Villa vouya muZim John McGinn nemudiwa wake, Sarah Stokes, vachiona mhuka kuVictoria Falls nemusi weChipiri svondo rino

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VATAMBI veAston Villa vakatanga kushanyira Zimbabwe kuzoona nzvimbo yeVictoria Falls mushure mekunge vakokwa naMarvelous Nakamba uyo vanotamba naye muchikwata chimwe chete.

Kaputeni wechikwata ichi – John McGinn – ndiye akaita mutambi wekutanga kuuya muZimbabwe svondo rino uye mifananidzo yake iri kutenderera padandemutande reSocial Media achitandara zvake nemudiwa wake, Sarah Stokes, vachiona mhuka kuVictoria Falls.

Victoria Falls imwe yenzvimbo dzinoyevedza pasi rose iyo vanhu vazhinji vanoshanya vachiona mapopoma emvura pamwe chete nemhuka dzemusango dzakasiyana.

Mumazuva anotevera, vamwe vatambi veAston Villa vari kutarisirwa kusvika munyika muno kuti vazoona nzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>