Vatambi vewiricheya vochema-chema

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Vatambi vewiricheya vochema-chema

Kwayedza

SHANGWITI yemujaho wewiricheya, Edmund Makutya, anoti mutambo uyu hausi kusimukira nekuda kwekushaya vakotsveri izvo zvaona vamwe vatambi vachiita upenyu hwegwaku-mukwaku.

Muhurukuro neKwayedza, svondo rapera achangobva kukwikwidza mujaho weOld Mutual Nkulumane Marathon, kuBulawayo Makutya akati chishuwo chavo chekuti makambani akasiyana asimudzire mutambo uyu.

Anoti vatambi vakaita saiye vave kutoshanda mamwe mabasa nekuti havasi kuwana pundutso kubva mumutambo uyu.

“Tinochema zvikuru kuti vakotsveri vatitsigire, vatirongere mitambo yakawanda nekuti ndipo vamwe patinenge tichitsvaga kurarama.

“Hongu tinoziva kuti mari hakuna iri kunetsa kuwana asi dai pagadziriswa ipapo nekuti vamwe tinorarama nemitambo iyi.

“Ini izvozvi ndave kutoshanda kune imwe kambani, kana ndikanzwa kuti kune mujaho uriko ndokumbira kubasa ndoenda kunokwikwidza.

“Asi isu tinotoda hupenyu hwekuti kana tichibva kunokwikwidza ndozorora kumba ndakamirira mumwe mujaho kwete zvekutamburira zvatiri kuita,” akadaro Makutya.

Makutya, uyo akahwina menduru yebhuronzi nemari inosvika US$100 mumujaho uchangopera uyu, anoti zvakare mimwe mibairo yavari kuhwinhiswa haienderani nemari yavanenge vashandisa mukuita gadziriro pamwe nekuzopinda makwikwi acho.

“Chimwe chinhu chatinochema kuti vakotsveri vatiwedzerewo mari dzavanotihwinisa.

“Isu mari dzimwe dzatinoshandisa kugadzirira kuenda kumutambo uyu nemari dzatinozohwina hazvitomboenderane. Dzimwe dzenguva ndotozoona kuti ndinenge dzatoshandisa mari yakawanda kudarika iyo yandinenge ndahwiniswa saka vakotsveri ipapo tinokumbira kuti vapagadzirise,” akadaro Makutya.

Zvakadaro, Elford Moyo ndiye akahwina mubairo mukuru wemenduru yegoridhe nemari inosvika US$600 mumujaho weOld Mutual Nkulumane Marathon.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>