Uncategorized

Vavakidzani vonetserana ‘kutungana kwepwere’

25 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Janet Chari
MADZIMAI maviri vanova vavakidzani vakamisidzana mudare redzimhosva mushure mekunge vaburana pamusoro pematambiro evana vavo avo vanonzi vanogara vachirovana.

Modester Muzvidzwa akadhonzera Memory Kagoro kuHarare Civil Court achiti ari kuita basa rekurova mwana wake zvokuti ave kutotya kuenda kuchikoro kana kunotamba nevamwe.

“Mwana wangu akangobuda chete anotodzoka achichema achiti arohwa naamai ivava,” anodaro Muzvidzwa.

Anoenderera mberi achiti rimwe zuva Kagoro akasangana naye akamutuka kuti sei asina kubvunza kuti akaroverei mwana wake, uyezve akazomutevera kumba kwake akamutuka pamwe nekuda kurova mwana wake.

“Handina kumubvunza kuti akaroverei mwana wangu nokuti ndaiziva kuti ari kutsvaga kuti ini nditaure.

‘‘Asi zvakadaro, akandipopotera nezvinyadzi tangosangana munzira,” anodaro Muzvidzwa.

Achipawo divi rake mudare, Kagoro anopikisana nemashoko aMuzvidzwa achiti haana kumutuka asi kuti vakatukana pamusoro pematambiro aiita vana vavo.

“Mai ava havadi kuti mwana wavo adzorwe zvakashata zvaanoita nemumwe munhu, ndokusaka ndakazosvika pakutukana nokuti ivo vaiti mwana wavo haasi kuresva,” anodaro Kagoro.

Kagoro anoti mwana waMuzvidzwa anotamba achirova mwana wake zvekuti akazosvika pakupindira achimutsiura.

Anoti akashamisika achinzwa mwana waMuzvidzwa achimupindura achimutuka nekumuudza kuti ane chirwere cheAIDS izvo zvakamurwadza.

“Ndaneta nekuudza mwana wenyu kuti asauya kumba kwangu kana asingagoni kutamba nevamwe zvakanaka, apa mwana wenyu ane pamuromo. Akandituka kuti ndine chirwere cheAIDS kunge ndiri wezera rake,” anodaro Kagoro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa mumwe nemumwe wevaviri ava gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>