Uncategorized

Vavakidzani vonetserana mukadzi

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUMWE murume akamhan’arira nyakuroora aimbova mukadzi wake kudare achiti ari kumushaisa rugare pamwe nekumuvimbisa rufu nekuda kweshaisano. Edmore Kashere akamhan’arira Newton Kurauone kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza. “Handichina rugare nekuda kwemurume uyu. Handizivi kuti imhosva here kuroora kwaakaita mukadzi wandakambogara naye. Ari kundifonera achindivimbisa rufu pamwe chete nekundituka pasina zvandinenge ndataura naye,” Kashere akaudza mutongi wedare Audry Tarugarira.

Akati Kurauone muvakidzani wake izvo zvava kuita kuti atye kuramba achitaudzana naye sezvo angangomuuraya sekuvimbisa kwaanoita.
“Tinogara pedyo nepedyo zvekuti kuti ndirambe ndichigarisana naye nezvaakandivimbisa zverufu zvava kundinetsa. Handina kuona chinoshamisira kuti akaroora mukadzi wandakambogara naye.

“Anondifonera achiti ukasangana nemukadzi wangu usataura naye. Handina kumbobvira ndatuka mukadzi wake kubva patakarambana asi ndoshaya kuti zvinobva kupi zvaanenge achitaura. Pandaiva kubhawa, munin’ina wake akandinyepera kuti ndamurova pasina zvandamuita.

Ndakazoenda zvakare kune rimwe bhawa akatanga kundivhairira achiti regai isu tine vakadzi vanotidziisira mvura tinogeza hameno vakarambwa,” akadaro.

Kurauone akaramba zvaitaurwa naKashere achiti:
“Vakuru ava taiwirirana asi handina kuziva kuti kuwirirana kwavaiita neni vaida kundinyengedza kuti ndirambane nemukadzi wandakaroora aimbova wavo. Takatopanana nhamba dzemafoni zvakanaka asi iye ndiye akazotanga kuti akasangana nemukadzi wangu omutuka. Mukadzi wangu pose paanoenda kumashopu anodzoka achichema nekutukwa kwaanoitwa nemurume uyu.

“Dambudziko riripo nderekuti takagarisana saka iye ane shanje dzekuti mukadzi waaigara naye akaroorwa nemunhu waagarisana naye,” akadaro Kurauone.

Mutongi Tarugarira akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>