Uncategorized

Vaverengi vomhanya neKwayedza

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Vaverengi vomhanya neKwayedza

Kwayedza

Tandayi Motsi
BEPANHAU reKwayedza razviita zvakare sezvo riri panhamba yechipiri pakufarirwa nevaverengi munyika yose pamapepa anobuda pasvondo. Kwayedza riri kuverengwa nechikamu che12% chevaverengi venhau muZimbabwe. Ongororo ichangobva kuitwa yeZimbabwe All Media and Products Survey (ZAMPS) inoratidza kuti Kwayedza riri kufarirwa nevanhu vakawanda zvikuru.

Ongororo iyi inoti pamapepanhau anobuda pasvondo munyika yose, Kwayedza riri pachinhanho chepiri pakuverengwa richitevera The Sunday Mail iro rine vaverengi vanosvika chikamu che25%.
Aka ndekechipiri kakatevedzana Kwayedza richitevera The Sunday Mail.

Kwayedza neThe Sunday Mail ose ari pasi pekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers Group.
Ongororo yeZAMPS inoratidzazve kuti mapepanhau nenhepfenyuro zviri pasi peZimpapers Group zviri kusimukira zvikuru.
Pamapepanhau anobuda pasvondo, Kwayedza rinoteverwa neManica Post (6%), Sunday News (6%) neB-Metro (5%) uye ose mapepa aya ndeeZimpapers.

Pamapepanhau anobuda mazuva ose, ongororo iyi inoti The Herald neChronicle – ose ari pasi peZimpapers – ndiwo ari pamusoro ayo anoverengwa nechikamu chakabatanidzwa che40% munyika yose.

Kunhepfenyuro, Star FM iri kutungamirira mukutererwa mumaguta nemadhorobha nechikamu che45% zvisinei kuti iri pasi peRadio Zimbabwe kana zvave kuenzaniswa vatereri venyika yose.

Diamond FM iri kwaMutare, iyo iri pasi peZimpapers zvakare, iri kutererwa nechikamu che38% munzvimbo iyi.
Chamangwiza weZimpapers Group, VaPikirayi Deketeke, vanoti zvabuda muongororo yeZAMPS zvinoratidza pachena hukuru hwekambani yavo mune zvenhau.

“Tiri kuramba takabatirira patiri panguva iyo pasi rose huwandu hwevanhu vanoverenga mapepanhau huri kuratidza kudzika,” vanodaro.

“Izvi zvinodaro nekuti tinozivikanwa sefekitori inobika nhau. Tinoburitsa nhau kuburikidza nenzira dzakasiyana uye izvi ndizvo zvinoita kuti tifarirwe nevaverengi nevanoshambadza,” vanodaro VaDeketeke.

Vanokorokotedza vapepeti vemapepanhau aya nevashandi vose veZimpapers nekusevenza nesimba kwavari kuita.
ZAMPS iongororo isina kwayakarerekera inotwa nekambani yeTopline Solutions.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>