Uncategorized

Vochema nemakomba munaSeke Rd

12 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Vochema nemakomba munaSeke Rd Makomba ari mumugwagwa Seke Road

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rePassenger Association of Zimbabwe, rakabatana neCombined Harare Residents Trust, rakanyora tsamba kubazi rinoona nezvekufamba nekusimudzirwa kwezvivakwa richipa chikumbiro chekuti mugwagwa weSeke Road ugadzirwe nechimbichimbi zvichitevera kuwanda kwetsaona dziri kukonzerwa nemakomba awandamo.

Tsamba iyi yakanyorerwa kumunyori mukuru webazi iri.

“Mugwagwa weSeke hauchisina kunaka nekudaro unofanira kugadzirwa nekukasika nekuti wava kutozivikanwa netsaona uye idzo motokari dziri kupedzisira dzava kuparara matayi. Mamwe mabhazi ari kutoramba kushandisa mugwagwa uyu nekuda kwekuti haufambiki zvakanaka,” inodaro tsamba iyo yakanyorwa naVaTafadzwa Goliati murongi mukuru wePAZ pamwe naMai Mupasiri Sani vanova director weCHRA.

Vagari vekuChitungwiza vari kunyunyuta nekunonoka kugadzirwa kwemugwagwa uyu nemimwe iri munharaunda.

“Tiri kutyira kuti kana zvikoro zvikavhurwa migwagwa iyi isati yagadzirwa, vana vedu vachapera kutsikwa nekuda kwemabhazi nedzimotokari dzave kufambira kumicheto vatyairi vachinzvenga makomba ari kuramba achikura nekuda kwemvura iri kunaya,” vanodaro Mai Prosper Munatsi vekuZengeza 3.

VaThomas Moyo vanoti pane chiteshi chinodaidzwa kunzi “Patsaona” pedyo nekwaMakoni asi muri mumugwagwa waSeke apo pari kutsikwa vanhu nekuda kwemakomba akawanda.

“Zita rechiteshi iri rakatotumidzwa kuti Patsaona nekuda kwekuwanda kwetsaona uye vana nevamwe vanhu vakuru vari kutsikwa uye motokari dzichibonderana zvekuita senge pane rushambwa nyambisirwa vatyairi vanenge vachiedza kunzvenga makomba,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey