Uncategorized

Vopwanyirana hari dzepakirawa

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Vana votadza kunyora bvunzo
Maticha achikatanurwa hembe

Danisa Masuku
ZVIKORO zviviri zvinoti Fudu Primary School neFudu Secondary School izvo zviri kuNkayi, kudunhu reMatebeleland North, zvinonzi zvavharwa kwemavhiki matatu adarika mushure mekunge maticha epo atiza nekuda kwekuti varairidzi vechikadzi vari kufuma vakapfeka mitarauzi yematicha echirume epo.

Pane fungidziro huru yekuti manenji aya ari kukonzerwa nezvidhoma izvo zvakonzera kuti vana vatadze kunyora bvunzo dzavo dzeZimsec.

Pane mumwe mudzidzisi anonzi pose paanoenda kunhandare yemitambo nevana, anoita seasvikirwa nemudzimu, achiona shangu dzemumwe mushakabvu aimbova mudzidzisi pachikoro apa uyo anofungidzirwa kuti akauraiwa nemumwewo mudzidzisi wepo.

Mudzidzisi uyu anoti kubva muvhiki rekupera kwemwedzi waGunyana, havana kumbobvira vagara zvakanaka pachikoro nekuda kwewavari kufungidzira kuti mweya wemudzidzisi akafa uyu.

Mashoko atekeshera anoti mweya wemudzidzisi uyu wava kutenderera pachikoro apa uchishungurudza mamwe maticha.

“Pane vadzidzisi vaviri vakarwira chinzvimbo chehu’deputy head’ mumwe wacho akazongofa zvisinganzwisisike uye tinoona sekuti mweya wemurairidzi uyu ndiwo uri kutenderera pachikoro,” anodaro mumwe mudzidzisi.

Mumwe wevadzidzisi vechikadzi vepachikoro apa – uyo asingade kuburitswa zita rake – anotsinhira mashoko ekuti vari kumuka vakapfeka mitarauzi yevarairidzi vechirume vavanoshanda navo.

“Handisati ndamboona zvakadaro, zvishamiso chaizvo izvi. Chimbopafungaiwo kuti tose tiri vatanhatu pano pachikoro, kungofuma takapfeka mitarauzi yematicha echirume atinoshanda nawo?” anodaro.

Nekuda kwemaminimini aya, vadzidzisi vepazvikoro zviviri izvi vakangofuma vatiza pamabasa avo vana ndokusara vasisina anovadzidzisa.

Mumwe mudzidzisi anoti vana vanga vachinyora mazamanishoni vakakanganisika zvikuru.

“Izvi zvakonzeresa vana vari kunyora bvunzo dzeO-Level kuti vakanganisike zvakanyanya zvekuti pari zvino vava kufamba rwendo rurefu kudarika makiromita 18 vachinonyorera mazamanishoni avo kuchikoro cheMpumelelo High School kunova kwavakazonzi vanyorere. Izvi zvaita kuti vana vakanganisike pakugadzirira bvunzo dzavo uye hazvichazivikanwa kuti vachanyora here kana kuti kwete,” anodaro mumwe mudzidzisi anoramba nezita rake nekutya.

Vabereki vevana vanopinda pazvikoro izvi vari kunetseka nenyaya iyi uye vakabatana nehutungamiriri hwenzvimbo iyi, vava kubatsirana kubhadhara n’anga kuti dzinochenura zvikoro izvi.

VaRobert Moyo, mumwe wevagari vemuWard 22 kunzvimbo iyi, vanoti nharaunda imwe neimwe yakatobvisa $5 yekubhadhara n’anga dzichabatsira.

“Vana vakanyanya kukanganiswa dzidzo yavo nenyaya iyi ndeveWard 22 ne23 uye mawadhi aya ane misha inodarika 200.

‘‘Takazvipatsanura muzvikwata zviviri. Vamwe vakarara kupuraimari, vamwe ndokurara kusekondari. Takanzi tirare tichiimba husiku hwose, dzava kuma3 makuseni n’anga dziya ndipo padzakazochenura zvikoro asi vakatadza kubata zvivanhu zvavaiti ndizvo zvidhoma zvacho,” anodaro Moyo.

Sabhuku Victor Mloyi vanoti n’anga dzakadaidzwa idzi dzakatadza kubvisa zvidhoma.

“Vakaedza kubvisa twuvanhu utwu kwevhiki rose asi vakatadza. Zvava kutotinetsa kuti chii chiri kutora nzvimbo. Tavabhadhara asi vava kuti havakwanise kubvisa zvidhoma zvacho.

“Pari zvino tava kuda kutaura naMambo Sikhobokhobo toronga kuti pangaitwa sei,” vanodaro VaMloyi.

Provincial Education Director weMatebeleland North, VaJabulani Mpofu, vanotsinhira nyaya iyi.

“Ndinotsinhira kuti Fudu Primary School pamwe chete neFudu Secondary School zvakakanganisika nenyaya yezviri kufungidzirwa kuti zvidhoma. Hutungamiriri hwemunzvimbo yacho hwakagara pasi kuti kutsvaga n’anga dzinochenura zvikoro izvi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>