Uncategorized

Vorwira pfuma yenhaka

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ashley Muchamiri

CHIREVO chinoti pfuma yenhaka inoparadza hukama chava kuzadzikiswa nenyaya yehanzvadzikomana nehanzvadzisikana avo vava kumisidzana mudare redzimhosva vachirwira imba yakasiiwa nevabereki vavo.

Lyna Gushiri akamhan’arira hanzvadzi yake Simbarashe Gushiri – uyo anova mwana waamainini vake sezvo vanaamai vavo vaive vakaroorwa pachipari – kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekutora kamuri yemba yemumwe mwana wemhuri yavo asi iye akagoverwa yakewo.

“Ishe wangu, hanzvadzi yangu iyi anondishungurudza, ari kutora kamuri yemumwe mwana achiita yake asi mwana mumwe nemumwe akagoverwa yake kamuri,” anoudza mutongi Tafadzwa Miti.

Lyna anoti Simbarashe akakiya gonhi repakamuri iyi asi iye aida kuisa muroja anozovapa mari.

“Simbarashe akakiya pagonhi rekamuri iyi mushure mekunge ndamuudza kuti ndinoda kuisa muroja anotipa mari muimba iyoyi,” anodaro.

Simbarashe anopokana nezvinorehwa naLyna achiti: “Zviri kutaurwa nehanzvadzi yangu manyepo nekuti iye ane kamuri yake uyezve ini ndanga ndagara ndichishandisa kamuri iyi kubva pakagovewa makamuri aya ndichiri mugwaro rechishanu mukoma vachiripo vasati vaenda kuBulawayo kubasa.”

Anoti rimwe zuva paakabva kubasa, akasvika mukoma wake aenda kuBulawayo ndokuona imba iyi yakakiwa ndokubvunza makiyi kunaLyna, asi akamunyima zvikaita kuti anorara kumba kweshamwari yake.

“Pandakasvika pamba ndichibva kubasa, ndakawana mukoma vaenda kuBulawayo ndokuona gonhi repamba iyi rakakiiwa ndichibva ndabvunza Lyna asi akandinyima makii ndikazonorara kushamwari yangu,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akati vaviri ava vadzoke mudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>