Uncategorized

Votemwa nematombo anopisa

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Votemwa nematombo anopisa

Kwayedza

Samuel Kadungure ari kuBUHERA —
MUNYAYA inoita kunge bhaisikopu, imwe mhuri yekwaManjengwa, kuBuhera, inoti iri kugara ichitemwa nematombo anenge achipisa seari kubva muhovhoni asi vanhu vanoita izvi vasingaonekwe.

Vamwe vemhuri iyi — iyo igere kwaSadunhu Marume, kwaMambo Makumbe — vanotova nemaronda manyoro nemavanga ekutemwa uku.

Dzimba nemidziyo yemhuri iyi zviri kutemwawo. Chiitiko ichi chaita kuti shirikadzi Lydia Manjengwa — nevana vake vasere — vashaye pekugara.

Vatori venhau vakashanyira mhuri iyi nemusi weChipiri svondo rino vakaiwana yakasuwa zvikuru.

Kwayedza yakagashirwa naFuture Mashiri (35) nemuroora wake Tafadzwa Matevera (19).

Pakasvika vatori venhau, vakawana migoro yemvura, mandiro, mapoto nemimwe midziyo zvakapwanywa zviri hungwanda-ngwanda pachivanze.

Chinoshamisa ndechekuti matombo ari kukandwa aya akakura zvekuti haakwanise kunge achikandwa pasina munhu anenge achionekwa.

Mamwe ematombo aya anonzi anopinda nepachidziro chemba asi asingasiye kana buri uye kana pamba apa pakasvika munhu asingagarepo, anobva amira kukandwa.

“Tinotiza nekuti tinotemwa nematombo anenge achipisa. Pano hapachagarika. Tave chiseko chemuno, hapana anoda kutipa pekugara kana zvekudya. Zvakatanga musi wa9 Chivabvu gore rino uye tashaya zano rekuita. Matombo aya anotitevera kwose kwatinoenda uye tinodzingwa kudzimba dzevanhu kwatinenge tapotera apo tinenge tichitemwa,” anodaro Future.

Anoti matombo aya akambovatevera apo vakaenda kunopotera kumisha iri kwaMazorodze, kwaMasunga nekwaChaka.

“Tafamba kumaporofita manomwe nekun’anga imwe chete tichitsvaga rubatsiro asi hapana chiri kubuda. Tose tapera kukuvadzwa uye midziyo yedu yaparadzwa. Matombo aya anenge achipisa sezvinoita mapfihwa ari pamoto.”

FARAI MASHIRI

Future anoenderera mberi: “Hatirare zvachose, tinopedza husiku hwose tiri mumakomo nevana. Amai vedu (Lydia Manjengwa) vaenda kuMakumbe Mission kunotsvaga mumwe muporofita.”

Mashoko ake anotsinhirwa naTafadzwa achiti vari panguva yakaoma zvikuru.

“Izvi zvinoda ropa revanhu. Zviri kuda mutumbi wemunhu. Ngavafambe semhuri,” anodaro Tafadzwa.

Lydia, akatanga kugara nemhuri yake yekwaManjengwa mugore 1996 apo akatadza kuwirirana zvachose neaiva murume wake Madhimbe Mutondondo Mashiri, uyo akazoshaya muna 2001.

Mhuri yeManjengwa —iyo ine husabhuku — yakazomupa pekugara.

Zvakadai, mhuri iyi haizi kuwirirana nekuda kwezviri kuitika apo vamwe vaine fungidziro yekuti panofanira kunge paine mumwe ane zvidhoma.

Izvi zvinonzi zvakatsinhirwa nemumwe muporofita anozikanwa nekuti Madzibaba Washy, uyo akambotorwa nevemhuri iyi.

VaTedious Manjengwa (70), avo vanogara vachibastirana naLydia kutsvaga nzira dzekupedza dambudziko iri, vanoti zvinonyadzisa kuti havazi kubatana semhuri mukugadzirisa maminimini aya.

“Uyu musha wedu uye ihanzvadzi yedu (Lydia), sevekwaManjengwa. Zviri kuitika izvi zvanditambudza, ndiri kushaya hope nazvo. Handina rugare uye ndiri kutsvaga anokwanisa kuzvipedza, kudzosera matombo anopisa ari kukandwa aya kumuridzi wawo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndine fungidziro yekuti mumwe mumhuri medu ndiye ari kukonzeresa izvi. Ini chete naLydia ndisu tiri kushungurudzwa nazvo. Ngazviite yowe-yowe kumuridzi wazvo.”

Mudzimai wavo, Mai Viola Kobe, vanoti pane mumwe wemumhuri ari kushandisa mishonga yakaipa mukutsvaga kupfuma.

“Chitarisai, zvamuri kuita mumusha muno, kushandisa mishonga kuti upfume?” vanodaro.

Vanoti pane muporofita akatodoma munhu ari kukonzeresa izvi. Mumwe mudzimai wechikuru wemunharaunda iyi, uyo akaramba nezita rake, anoti vemhuri yekwaManjengwa vanoziva zviri kuitika.

VaJealous Mapingire, avo vanova hama yekwaManjengwa, vanoti pakutanga havana kubvuma zvaitaurwa kusvikira mumwe musi vakaona matombo achikandwa pamusha wavaive vapotera uyu.

“Ndakazviona nemaziso angu aya, dombo hombe richikandwa pamba painge papotera vemhuri yekwaManjengwa.

‘‘Pandakabata dombo iri, raipisa seraibva muhovhoni,” vanodaro VaMapingire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>