Kwayedza
Muchaneta Chimuka
MUMIRIRI weMaramba-Pfungwe mudare reNational Assembly, Cde Tichaona Karumazondo, vari kuita mabasa ekusimudzira dunhu ravo zvichitevera kuvakisa kwavari kuita kiriniki yeBangari Clinic kwaMambo Chinhanga, iyo ichabatsira veruzhinji vari kunetseka nekufamba nzendo refu vachienda kuzvipatara zviri kure, zvikuru madzimai akazvitakura.
Muhurukuro mushure mekushanyirwa kwekiriniki iyi neKwayedza nemusi weChina chadarika, Cde Karumazondo vanoti zvipatara nezvikoro zvichiri zvishoma mudunhu ravo.
“Kiriniki iyi tiri kutarisira kuti mukupera kwemwedzi mitanhatu inotevera inenge yava kushanda uye tichaita chirongwa chikuru chekuti iparurwe zviri pamutemo. Takaona kuti madzimai akazvitakura kunyanya, vaipedzisira vasunungukira kudzimba kana munzira panguva iyo vanenge vachiendeswa kuzvipatara zviri kure zvinova zvaiita kuti vamwe vapedzisire varasikirwa neupenyu hwaamai kana mwana,” vanodaro.
Cde Karumazondo vanoenderera mberi vachiti: “Kiriniki iyi ichabatsira zvizvarwa zvemuno nekuti iri pedyo nevanhu. Ine mipanda icharapirwa vanhu zvirwere zvakasiyana asi vanoita zvigozhero vachapfuudzwawo kuzvipatara zviri kuru. Vechidiki, kunyanya vagari vemuno, vachawaniswa mabasa pakiriniki iyi nekuti vavariro yedu ndeyekupedza nzara neurombo munyika uye kuti tive nevanhu vane utano.”
Cde Karumazondo vanoti vari kutsigira zvekare kuvandudzwa kwezvikoro zviri mudunhu ravo.
“Tinokurudzirawo mabhindauko ekurima munharaunda muno zvekuti vabereki vazhinji vari kutokwanisa kuendesa vana vavo kuzvikoro kana kuzvirapisa vachishandisa mari dzavanowana nekutengesa muriwo, madomasi, mbambaira nezvimwe. Tinoita misangano yekudzidzisa varimi kurima kwemasutso kusingashandisi fetiraiza yakawanda zvinoita kuti vanhu vawane goho rakakura,” vanodaro Cde Karumazondo.