Uncategorized

Wakapenga, hauite, ndiwe une yese

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURIRE SADZA

naIgnatius Mabasa

MUSI wa31 Zvita (December) 2019 ndakaona chishamiso. Paive nemapurisa ainge ane mudhudhudhu akanga achiita basa pamugwagwa. Vakamisa imwe mota, asi mutyairi wayo akaisimudza zvemufirimu chaizvo, ndokupinda pamarobhotsi achisiya mapurisa nesu takati kanha.

Akabva achinja raini, ndokutiza ari nechekumucheto, asi robhoti raive mberi kwake rakabva ramisa mota nhatu dzaive pamberi pake. Kudivi rimwe kwakanga kune dzimwe mota, uye kudivi rekunze kwaive nemasimbi ekanzuru. Ndipo pakabva pafira sarungano.

Paakabatwa, takashamisika kuti mutyairi akanga aita izvi aive mudzimai wechidiki anoratidzikawo semunhu kwaye.

Kutiza mapurisa ndekwemufirimu, asi kwakazounzwa munyika yedu nevakomana vemakombi nemushika-shika. Iko zvino zvasvikawo kuvanhukadzi, vanova ndivo vanofanira kutsiura nekudzora hupenzi hunowanikwa muvanhurume.

Tine zvinhu zvizhinji zviri kuitika muZimbabwe zvatakasiya zvichibvarukira nekutsemukira.

Nhasi uno vana vatakanga tichifuridzira tisingarayire nekupa mutemo vave mhondi dzinofamba mbiri nyika yese kuti kune vanhu vari kuuraya vamwe, nyangwe nemapurisa vachitema nemabhembha.

Tine vana vari kuimba zvinyadzi nekugadzira mavhidhiyo ane mufumu unenge wembwa. Ukada kutsiura unonzwa ruzhinji rwave kuti muri kukanganisa kodzero nerusununguko rwevanhu kuti vaite nekutaura zvavanoda.

Asika, munhu munhu nevanhu. Kana ukakoshesa kodzero dzako asi uchiitira tsvina mutsime unoda kuti tikupururudzire? Ichokwadi tiri kupururudzira ny’any’a nendururani dziri mumisha yeKare kuita zvinhu zvisingafambirane nehunhu hunotarisirwa. Chionai nhasi uno vakomana vemakombi nevakomana nevasikana veZimdancehall vari kupihwa mazita ekupembedza hunhu hwakaipa.

Zvave kushamisira paGhetto kuti unzi uri bad girl kana rude boy. Unonzwa nyangwe nevanhu vakuru vachishevedzera mwana anoda kutsiurwa vachiti, “wakapenga,” “hauite,” “ndiwe une yese.”

Vanhu vane hunhu husingayemurike vave nemukurumbira wekuita gwaan baad. Kana nemaDJ nevashamarari vedu panhepfenyuro dzadai kutekeshera vari kukuchidzira hunhu hwakaora nemasasi anokachidza nekushamisira asi vachirasira marara patsika nehunhu.

Ndakanzwa mumwe mukomana wechidiki achipopota kuti haadi kunzwa mazwi ekuti tsika nehunhu nekuti mazwi anomuitisa zvaasingade. Dai tese taiita zvatinoda dai nyika ino isisipo. Zvamunobhiga zvinhu zvisingaite.

Ndakatukwa nemumwe mukomana wechidiki asina kumira panofanira kumirwa pamugwagwa. Akapotsa andidhumha asi ini ndirini ndiri kuita zvinofanira kuitwa. Pandakamubvunza kuti akanga achiitei kutyaira kunge huku iri kubhabhauka kuti isabatwe, akatanga kundipopotera. Hanzi, “Mudhara ko wadii wangondisiya ndapinda.”

Mitemo iripo nekuda kwechikonzero. Kana tikaityora kuti tigonakidzwa nekuita zvisingabvumirwe ngatizive kuti kugadzirisa zvinhu zvinenge zvakanganisika kunonetsa pane kugara tangorega kukanganisa.

Vamwe vari kuti inguva yevechidiki kuti vafare nekunakidzwa nehupenyu, asi kufara nekunakidzwa nehupenyu ngakurege kuve kwekusiya mwana achiitira tsvina mundiro inodyirwa sadza.

Inyika rudzii yekuti tinozviona setakangwara kudarika vamwe vanhu vese? Vabereki taurai nevana venyu. Zvakaipa hazvingatore nzvimbo yezvakanaka. Hatisi vana venyoka, tiri vanhu. Ngatidanane, ngatiremekedzane nekuziva miganhu. ChiGuy ndechemufirimu.

Kana muchinzi hamuite nekuti munobhema, zivai kuti mabhemba haabhemwe. Kuita zvivindi zvekuuraya mupurisa, kunotaura kuti kana hurumende vanogona kuitema vakaiuraya nemabhemba avo. Zvino kana mapurisa achinge ave kuurayiwa sehuku, ko kuzoti vanhuwo zvavo?

Munhu akasikwa nemufananidzo waMwari. Kuuraya munhu imhosva huru kuna Mwari nekuhurumende. Ropa remunhu afa rinotaura. Ropa raAbhero rakachema kuna Mwari paakanga aurayiwa naKaini.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>