warriors: Shasha 11

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views
warriors: Shasha 11

Kwayedza

Abel Ndooka
(1980 – 2015)
MUTAMBI wenhabvu wose mukusimukira kwake anenge aine shuviro yekuguma atambira chikwata chenyika yake mumitambo yakaita seAfrican Cup of Nations, World Cup kana kuti Cosafa Cup. Asika, vashoma vanokwanisa kuwana chiremerera ichi. Vatambi vazhinji vanoedza nepavanogona kutamba nhabvu inodekadza kuzvikwata zvavo uko kwavanenge vachida kuonekwa nemurairidzi wechikwata chenyika, chemaWarriors, kuti vagokwanisa kushevedzwa.

Vanoziva kuti kana vakatambira chikwata chenyika, zvinovapa mukana mukuru wekuti vaonekwe nezvimwe zvikwata zvekunze zvingada kuvatenga izvo zvinozoita kuti nhabvu yavo isimukire. MuZimbabwe, vatambi vakawanda vakakwanisa kuwana chiremerera chekutambira chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors kubva nyika ino ichiwana kuzvitonga muna1980 kusvika zvino. Pavatambi ava, mumwe chete bedzi, Peter Ndlovu, ndiye akakwanisa kutamba mitambo inosvika 100 kumaWarriors.

Hazvisi nyore kuti mutambi wenhabvu atambire nyika yake mitambo inosvika 100. Ahmed Hassan wekuEgypt anonzi ndiye akakwanisa kutambira nyika yake kakawanda kudarika vamwe vatambi pasi rose sezvo akatamba mitambo inosvika 184. Hassan anonzi anoteverwa naMohamed Al-Deayea wekuSaudi Arabia uyo akatamba mitambo 178 kuchikwata chenyika yake.

Svondo rapera, Kwayedza yakaita hurukuro naVincent Pamire, uyo akambotungamira sangano renhabvu, reZimbabwe Football Association (ZIFA), ndokudoma vatambi 11 vaanofunga kuti ndivo vakatamba zvemandorokwati kumaWarriors. Pamire akatungamira Zifa kubva mugore ra2003-04 uye ndiye aive sachigaro apo maWarriors akatanga kubudirira kuenda kuAfcon muna2004 kuTunisia.

Pamire, uyo vazhinji vanodana nezita remadunhurirwa rekuti Boss Pams, akasimbisa shoko rekuti hazvisi nyore kuti mutambi apinde muchikwata chemaWarriors.

Boss Pams akadoma matambiro (formation) anozivikanwa nekuti 4-4-2 ndokudoma vatambi ava:
Bruce Grobblear: Pavabati vepagedhi pane makakatanwa makuru sezvo vamwe vanogona kufunga kuti Japhet “Shotcat” Muparutsa ndiyo yaive katsi, asi Pamire anoti Jungleman, sezita remadunhurirwa raGrobblear, ndiye akabatira Zimbabwe zvinonwisa mvura. Anoti Jungleman aibata bhora uye akakwanisa kutamba mitambo yakawanda kupfura Muparutsa.

Mercedes Sibanda: Vazhinji vaimuziva saRambo achivhara bhora ari kurudyi uko aikanda ma”cross” aitapira mubhokisi kuti vatambi vemberi vapedzise.

Francis Shonhai: Shonhai aivhara bhora uye aisangobudike zvedzungu.
Ephraim Chawanda: Rock of Gibraltar, zita rake remadunhurirwa rinotaura zvakawanda kuti aive dombo pakuvhara.
Oliver “Flying Saucer” Kateya: Sezita rake remadunhurirwa, Kateya aivhara bhora ari kuruboshwe achienda naro mberi zvekuita seanobhururuka.

Willard Khumalo: Nduna kana kuti Mahwii aivhara bhora ari pakati penhandare achibatsira vatambi vekumashure uye nevemberi. Akatambazve muDream Team yakanetsa zvikuru.

Stanley “Sinyo” Ndunduma: Sinyo airova bhora rinonwisa mvura ari pakati nechekumapeto. Dai Sinyo asina kuita mukurumbira, chinzvimbo ichi kumaWarriors chaitorwa naMadinda Ndlovu.

Stanford “Stix” Mutizwa: Stix aive netarenda raidadisa, raifadza uye ainakidza kuona achitamba.
Moses “Razorman” Chunga: Razorman kana kuti Bambo mumwe wevaitamba zvinodakadza nechekumberi. Zvakawanda zvanyorwa pamusoro paRazorman, chatinongowedzera ndechekuti dai makore aidzorwa kumashure, muchinda uyu ainzi ambotambazve kumaWarriors.

Shackman “Mr Goals” Tauro: Mr Goals aizivikanwa nekunwisa uye “magoo bhora” ndiro raive basa rake. Hameno kuti maWarriors achazowanazve mumwe nhamba 9 akaita saTauro.

Peter Ndlovu: Mhiri kwemakungwa vanomuziva saFlying Elephant, muno achinzi Sukuzonke. Ndiye mutambi akakwanisa kutambira maWarriors ka100 mumakore anodarika 15.

Ndiyezve akanwisawo mabhora akawanda kudarika vamwe vatambi. Muchinda uye ndiye zvakare aitungamira chikwata apo chakabudirira kuenda kuAfcon kekutanga mugore ra2004. Kunyangwe zvazvo vatambi 11 ava vari ivo vanonzi naPamire ndivo vakaita zvinorova vachitambira maWarriors, anoti pane vamwe vakawanda vakaita saJohn Phiri, Norman Mapeza, Benjani Mwaruwari, Vitalis Takawira, George Shaya, Agent Sawu, mushakabvu Benjamin Konjera uye Adam Ndlovu vanokwanisa kupinda muchikwata ichi vakafadza vatsigiri.

“Vatambi vekumashure avo vanoti Sibanda, Kateya, Shonhai naChawanda vaivhara bhora, zviya zvainwisa mvura uye vatambi vekumberi vakaita saTauro, Chunga naPeter Ndlovu kudai vakawana nguva yakareba vachitamba vose tingadai takasvika kure.

“Dai zvaibvira, zvichikwanisika, taivadzora kuti vazombotamba zvakare. Tinoziva kuti Africa yose hapana anomira nesu nechikwata ichi,” akadaro Pamire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>