West Ham yorambira naPayet

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

SLAVEN Bilic akabvuma kuti West Ham inogona kupa Dimitri Payet kondirakiti itsva yakavandudzwa kuti arambe ari kuchikwata ichi.

Chizvarwa chekuFrance ichi, Payet, ave nemwedzi minomwe atengwa zvichitevera kubva kwaakaita kuMarseille gore radarika apo akatengwa nemari inokwana £10.75 miriyoni ndokusaina kondirakiti yemakore mashanu.

Matambiro aange achiita kubva paakatengwa kuUpton Park, Bilic anoziva kuti mutambi uyu achange achidiwa nezvikwata zvikuru zvemuEurope.

“Chikwata chiri kuenda, takatarisana nekuenda kunhandare itsva nezvimwe zvakawanda saka zvakakosha kuti tirambe tine vatambi vedu vakakosha kwatiri,” akadaro Bilic.

“Dimitri Payet ndiye mutambi wedu akatikoshera. Saka ndinoda chaizvo kuti agare kuno nguva refu uye achifara.

“Takamutenga mwedzi yadarika, asi matambiro aange achiita anonwisa mvura uye kondirakiti yake yakakura saka tinaye.

“Tinoda kuve naye kwenguva refu chaiyo.”

Payet akwanisa kunwisa katanhatu uye akabatsira vamwe vatambi kunwisa kakawanda mwaka uno, kunyangwe hake asina kutamba zvinonwisa mvura svondo radarika apo vakakunda Aston Villa pamwe nemusi weMugovera pavakakundwa neSouthampton 1-0.

Asi Bilic, uyo akaenzanisa mutambi uyu naMesut Ozil weArsenal, akati vanhu ngavasatarisire kumuona achiita mashura nezviratidzo svondo rega-rega.

“Zvakaoma kana ukambotamba zvinonwisa mvura mune mimwe mitambo, sezvaakaita pamutambo weBournemouth apo akanwisa free-kick inoyevedza uye akabatsira mumwe mutambi kunwisa,” akawedzera murairidzi wemaHammers.

“Handitarisire kubva kwaari kunwisa svondo rega-rega kana kuita zvinhu zvinoshamisa.

“Ozil? Akazviita svondo radarika asi masvondo maviri adarika haana zvinoshamisa zvaakaita. Paanotamba pakaoma zvikuru. David Silva ane here zvinoshamisa zvaakaita svondo radaika? Kwete, hapana. Akaburitswa muchikwata here? Kwete, mutambi wepamusoro soro.”— Daily Mail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>