Uncategorized

WhatsApp ndihwindi asingashoshome

19 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
POTO isina chinhu hainonoke kufashaira, kana nemashanga asina chibage anotakurwa nemhepo. Chenjerera kuzomhanyiswa nemanyoka ekeke rekushamisira nechirungu chepaWhatsApp. Kwawakabva hakuna basa kunge kwauchazoenda.

WhatsApp haibatwe maoko kana wafa, uye WhatsApp haina ivhu rekuti tichere guva rako. Nyangwe zvenyu muchigara muripo paWhatsApp, zivai kuti yakafanana nekugara pabhiriji. Bhiriji harisi imba.

WhatsApp muti wakazara tsoko dziri kuita ruzha. Muti uzere miromo inenge yeshiri, miromo mirefu inenge yemosikito, miromo inenge mapako seyemvuu, nemiromo inotaura zvakafumuka kunge mahwindi akadhakwa.

PaWhatsApp pane miromo ine pamuromo, miromo ine ruzivo rwemanyepo nekuti iyo ndeyemanyepo. Miromo yeWhatsApp inotaura kwaisina kuswera. Miromo inotaura paWhatsApp haigute mashoko.

WhatsApp ndihwindi asingashoshome, anongoramba ichishevedzera town, city, Mbare! Nyangwe usiri kuda kuenda kutown kana kuMbare, uchingozvifambirawo, hwindi anokushevedza kuti, “Handei sister!”

Nhaiwe, endaka iwewe uri mukombi macho usiyane neni ndiri kuenda kwandiri kuenda kwausiri kuenda. WhatsApp inokupedzera nguva kunge kudya sadza nehove iwe uine nzara.

Iko zvino handisisina pekuisa mashoko ayo. Ini ndiri kuda kutaura nemhuri yangu, asi WhatsApp inongoramba ichipinimidza muswe wayo kuti nditambe nayo. Pane chisvinu chaicho here chiripo paWhatsApp apa kunze kwekungoshamisira nekukwidzana ndege dzemashanga? Ko iko kuseka kunenge kwehwiza kikikiki, nemashoko anongoramba achitenderera kunge mvura yemuchemba.

Saka panguva yePasika, ndakambodzima foni yangu kuti ndifunge nezvaJesu. Vafundisi vedu pavanenge vachiparidza zvemari, vafundisi vevamwe vanenge vachidzidzisa zvakavanzika zvaJesu.

Mufundisi Max Lucado vakataura nyaya yakandiwacha ikandiyanika pamutariro sehembe. Vakati, hembe dzemunhu dzinogona kukuudza zvakawanda pamusoro pemunhu. Ndakabva ndafunga hembe dzinosiya mazamu panze. Kana munhu akapfeka hembe inosiya mazamu kana zvidya zvese panze, hembe yake inenge yashanda semuromo.

Mufundisi Lucado vakapa muenzaniso wekuti hembe yaive yakapfekwa naJesu yakanga isina musono. Yakati tsepete, chechetere. Isina miganhu,uye yakabatana.

Kufanana nehembe yake, Jesu akanga asina pakakanganisika kana pane buri. Jira rehembe yaJesu rakanga rakabva kudenga rakadaro, risina musono. Misono inoreva kubatanidza zvinhu.

Ndipoka paye pamunoti hazvisi kusangana. Musono unoreva kushandisa njere kuti zvinhu zvive chinhu. Asi kushaya musono sekwehembe yaJesu kunoreva kuita kwaMwari akataura kuti ngapave nemiti, miti ikavepo.

Asi Jesu paakaroverwa pamuchinjikwa vakabvisa hembe yake isina musono, hembe isina pakaboorwa pachisonwa. Vabvisa hembe yakarurama iyi, vakamupfekedza dzimwewo hembe dzisingaite. Akapfeka hembe dzinobvisa chimiro pane vanhu. Akanyadziswa pamberi pehama nemhuri yake.

Akabviswa chimiro nekuti akabviswa hembe akasara ashama. Akanyadziswa pamberi pevanhu vakanga vachimupomera mhosva.

Ini ndiri kuda kuti Mwari vandibatsirewo kuti ndibvise hembe dzeWhatsApp dzakasonwa nevanhu, ndipfekewo hembe dzine runyararo, dzisina musono. Nyika yakauraya Jesu nekuda kwemashoko akanga achimhanyiswa nevanhu.

Mapisarema 137 inoti:

Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni.

. . . ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”

Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe? Pafungeiwo vanhu vouya kuzokusungai setayi, vadaro voti tiimbirei nziyo dzemufaro. Asi ivo vachiziva kuti nyika yeWhatsApp haisi nyika. Inyika yemungano, haungati wave kugaramo kana kuwana mukadzi kana murume imomo. Nyika yeWhatsApp inofanira kuti ubude mairi uchiri munhu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>