Uncategorized

WUA icharemekedza Chidyausiku

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
WUA icharemekedza Chidyausiku

Kwayedza

MUPEPETI wekutanga webepanhau reKwayedza, VaPaul Chidyausiku, neChishanu svondo rino vacharemekedzwa neWomen’s University in Africa (WUA) apo vachapihwa dhigiri reDr of Philosophy in Education semucherechedzo webasa guru ravabata mukusimudzira mutauro weShona pamwe nenyaya dzine chekuita nevanhukadzi.

Mumwe acharemekedzwa nekupihwa dhigiri pazuva iri ndichamangwiza weZimbabwe Ernegy Regulatory Authority (ZERA), Engineer Gloria Sibusisiwe Magombo, avo vachawaniswa PhD in Leadership and Management Studies.

Muhurukuro naVaChidyausiku, vanoti vane shungu dzekunyora pamusoro pevanhukadzi zvichibva mukukura kwavo sezvo vakarerwa munharaunda yakakomberedzwa nemadzimai kuDomboshava, mudunhu reGoromonzi, kuMashonaland East.

“Ndakakura ndichiwaniswa tsigiro uye rudo navanatete, vanaambuya nehanzvadzi izvo zvakaita kuti ndione nekudzidza kuti munhukadzi haasi amai vemhuri yekwangu bedzi, asi kuti ndiyewo amai vorudzi. Kuti rudzi rwuve nenduramo hunge amai vorudzi rwacho vaine nduramo,” vanodaro.

VaChidyausiku vanoti pasichigare zvikoro zvakange zviri zvishoma uye kune dzimwe nzvimbo zvaisatoveko, nokudaro vanhu munharaunda vaitowaniswa ruzivo kana pachinge paita makungano vachipangana mazano.

“Kuburikidza nenhetembo, ngano, zvirahwe nenziyo, vanhu vari munharaunda vaiwaniswa ruzivo pamwe nekufundisana,” vanodaro VaChidyausiku, avo vakava mupepeti wekutanga apo kambani yeZimpapers yakavamba Kwayedza muna 1985.

Muzvinyorwa zvavo zvemabhuku, nhetembo nemumapepanhau, VaChidyausiku vanotarisawo mativi ose apo vanonyorawo nezvekukosha kwevanhurume semunhetembo yavo inonzi “Candlelight” (Mwenje).

Mudetembo iri vanodetemba vachiti,

“Kana upenyu hwako hwaive mweje (kenduru)

Chiedza chakakura sei chawaizoparadzira?

Chakafaranuka kana kukwirira zvakadii?

Chichapa kudziya kwakadii?”

VaChidyausiku vakaberekwa muna 1921 vakazodzidzira zvekurima pakoreji yeDomboshava Agricultural College.

Vakazofundisa kwemakore gumi nematatu kubvira mugore ra1946 pazvikoro zvinosanganisira Makumbe Mission iri kwaChinamhora, St Joseph Mission, Hama iri kwaChirumhanzi neLoreto Mission kuSilobela. Mushure meizvi, vakaenda kunyika yeEngland uko vakanofunda zvekutapa nhau paLondon School of Journalism muna 1959.

Pavakange vari paLoreto Mission, mumwe mupirisita wekuMambo Press akashanyira chikoro ichi akaverenga mamwe emabhuku akanyorwa naVaChidyausiku achibva afadzwa nawo izvo zvakaita kuti avatambire semumwe wevanyori veMambo Press.

VaChidyausiku vakatanga basa rekunyora mabhuku kuMambo Press, vachibva vaenda kunogara nemhuri yavo kuGweru kunova kwakaberekerwa mwanasikana wavo, Justice Antonette Chidyausiku-Guvava.

VaChidyausiku vakashanda paMambo Press semupepeti weMoto Magazine kubvira mugore ra1960 kusvika 1972. Bepanhau iri raibuditsa nyaya dzaive pamusoro pezvematongerwo enyika, kunyanya hudzvanyiriri hwaiitwa nehurumende yemabhunu yeRhodesia.

Panguva iyi, VaChidyausiku vainyora Shona yakadzika-dzika iyo yaiita kuti vanzvenge kusungwa nemabhunu sezvo vainyora mashoko ekuimhura nekuda kwehudzvanyiriri hwayaiita asi mutauro wavaishandisa wainetsa kuududzira nyore.

ChiShona chavainyora chaive chiine hudzamu hwekuti kunyangwe mukuru wavo pabasa, uyo aive muSwiss, aiendeswa kumatare nguva nenguva asi achizoregedzwa mushure mekunge matare akundikana kupa dudziro kuShona yavainyora.

Nyika yeSwitzerland ndiyo zvakare yaitsigira hurumende yemabhunu nekuipa mari nekudaro vachena vemuno vaiziva kuti kana vakada kuomesera chizvarwa chekunyika iyi, zvaizokanganisa ukama hwavo.

VaChidyausiku vakazoenda kuLiterature Bureau uko vakanoshanda saEditorial Officer kubvira muna 1974 kusvika 1979. Muna 1980, vakave mutauriri webazi rinoona nezvezviwanikwa (Ministry of Natural Resources) uko vaishanda nevarimi vemumadhorobha nevekumaruwa vachibva vavamba chirongwa chepanhepfenyuro ichanzi Zimbabwe Broadcasting Corporation chaidaidzwa kunzi “Izindaba zabalimi/Nhau Dzavarimi.

Vakazoenda kubazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko vari mutevedzeri wemukuru kuchikamu chinoona nezvemabasa ekunze kwenyika (Foreign Services).

Vakazotorwa nekambani yeZimbabwe Newspapers kuti vavambe bepanhau Kwayedza/Umthunywa.

Panguva iyi hapana vakawanda vaitarisirwa kuriverenga asi bepanhau iri rakasimuka zvikuru richibatsira mukufambiswa kwemashoko edzidziso, zvikuru kuvagari vekumaruwa.

VaChidyausiku vane ruzivo nemitauro mitatu inoti Shona, Ndebele nechiRungu.

Vakanyora nyaya dzakawanda mumapepanhau uye mabhuku izvo zvakaita kuti vange vachihwinha mibairo mikuru munyika muno nekunze.

Mamwe emabhuku akavawanisa mibairo anosanganisira Nhoroondo dzokuwanana (1958), Ndakambokuyambira (1968), Kuyaruka komusikana (1991), Kuyaruka komukomana, That He Goat (gondohwe), That lodger (Muroja uya), To my bath tub (mubhavhu rangu randinogezera), naReduce or go upstairs (derera kana kuti kwira kumusoro).

Mupepeti weKwayedza pari zvino, Patrick Shamba, mumwe wevatori venhau vakadzidziswa basa naVaChidyausiku.

VaChidyausiku vakaroora, vane vana vapfumbamwe, vazukuru gumi nevasere uye vazukurubvi vanomwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>