ZC yamirira Afghanistan

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
ZC yamirira Afghanistan Darlington Majonga

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Cricket (ZC) rinoti rakanyorera kuHurumende richikumbira mvumo yekuti mutambo wemaChevrons neAfghanistan uenderere mberi mukupera kwemwedzi uno.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa nesangano reInternational Cricket Council (ICC) nguva pfupi yadarika kuti riri kuronga kudzosa mutambo uyu sezvo mitambo pasi rose yaive yambomiswa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Nyika zhinji dzakatotanga kuita gadziriro yecricket kusanganisira maChevrons ayo akatanga gadziriro dzawo dzekusangana neAfghanistan nguva yadarika.

Chikwata chemaChevrons chinofanirwa kusangana neAfghanistan uye neIndia asi mutambo weIndia wakambomiswa sezvo nyika iyi ichiti haisati yatora danho rekuti mitambo yakasiyana ichitanga zvakare.

Muhurukuro neKwayedza, mutauriri weZC Darlington Majonga anoti sangano ravo riri kumhanya-mhanya kugadzirira kuti panouya chikwata cheAfghanistan pasawanikwe chinokanganisa mutambo wezvikwata zviviri izvi.

“Takanyorera kuHurumende yedu tichizivisa nezvemutambo uyu saka takamirira kunzwa kubva kwavari kuti vanotitendera here kuti uendere mberi. Isuwo kudivi kwedu tiri kumhanya-mhanya kugadzirisa zvose zvinodiwa kuti mutambo ugotambwa zvakanaka pasina chinokanganisa kana chinoita kuti denda recoronavirus ritapukire,” anodaro Majonga.

Kana Hurumende ikatendera kuti mutambo uyu uenderere mberi, chikwata cheAfghanistan chinenge chave kutarisirwa kusvika muno masvondo maviri anotevera.

Panouya chikwata ichi, vatambi vacho vachambogara mazuva 14 kunzvimbo yavo voga vachiongororwa kuti havana here hutachiona hwecoronavirus sezvinodiwa nemutemo wenyika ino.

Majonga anoti gwaro rakabva kuICC rinoti zvikwata zvinoenda kunosangana nedzimwe nyika, vatambi vacho vanosvika vachimbogara mazuva 14 vari kwavo voga vachiongororwa utano hwavo.

“Mutemo wavepo uri kungoitwa kunyika dzese, Afghanistan painosvika kuno vatambi uye nevarairidzi vacho vese vanosvika vombogara mazuva 14 mu’quarantine’. Izvi tiri kuzviita senzira yekubatsira kuti coronavirus isapararire saka tiri kutevedzera mitemo yese yeWHO, yeHurumende uye neyeICC,” anodaro Majonga.

Zvakadai, ZC yakazivisawo kuti sangano iri nereCricket Australia zvakawirirana kuti mutambo wezvikwata zvavo weOne Day International uyo waifanirwa kutambwa munaNyamavhuvhu umbomiswa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Akafanobata chigaro chamanaging director weZC, Givemore Makoni anoti, “Tange tichitarisira chaizvo kusangana neAustralia asi tichitarisa mamiriro akazvakaita takazviona zvakakodzera kumbomisa mutambo toronga patsva mamwe mazuva ekuutamba.”

Achitaurawo chamangwiza weCricket Australia, Nick Hockley anoti, “Takanetseka kuti takasvika pakukanzura mutambo uyu, asi CA neZC takawirirana kuti ndiyo nzira yekutora kuti tikwanise kuchengetedza hupenyu hwevatambi vedu, vatsigiri uye vanoshanda vachibatsira pakuronga mitambo.

“Isu takazvipira kuramba tichishanda neZimbabwe Cricket pakuronga mazuva matsva ekutamba mutambo uyu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>