Zim A yobandana neAfghanistan

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Zim A yobandana neAfghanistan

Kwayedza

LOVEMORE BANDA

Lovemore Banda

CHIKWATA cheZimbabwe Cricket A svondo rino kutanga musi weSvondo chine basa guru rekubata apo chinotarisirwa kusangana necheAfghanistan mumitambo yehushamwari yetest match pamwe neyeOne Day International kuBulawayo.  Mutambo wekuBulawayo uyu uchingopera, zvikwata zviviri izvi zvinotarisirwa kuzosangana zvekare kuQueens Sports Club kuBulawayo kwakare uko zvichatamba mitambo yeone day international.

Mushure mezvo,  zvichazouya kuHarare apo zvichasangana mumitambo miviri yetest match paCountry Club.
Mukushi wemashoko weZimbabwe Cricket,  Lovemore Banda, anoti murairidzi weZim A, Andy Waller, ari kushanda nevatambi vanosvika 31 uye mutambo wavo neAfghanistan uchange uri wekuongorora vatambi vachazosangana neSouth Africa pamwe neAustralia mumakwikwi eTriangular Series mwedzi unotevera.

Chinyorwa chakatumirwa kubva kuZC chinoti mutambo weZimbabwe neAfghanistan uchipera, Zimbabwe  inobva yatopinda mune rimwe danho apo ichasangana neSouth Africa mumutambo mumwe chete wetest match series kuHarare Sports Club.

Panopera mutambo uyu, zvikwata izvi zvinobva zvananga kuBulawayo uko zvichanotamba mitambo mitatu yeODI.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey