Zim Open yoitwa

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Zim Open yoitwa

Kwayedza

KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kutanga musi weChina kusvika neSvondo paRoyal Harare Golf Club apo pachange pachitambirwa mutambo weGolden Pilsener Zimbabwe Open.
Shasha dzemutambo wegorofu 156 kubva kunyika dzakasiyana dzichange dzichikwikwidza dzichirwira kuhwina mubairo wegore rino.
“Pavatambi 156 ava, 149 vachange vachikwikwidza muboka reprofessional kozoti 7 vacho vachange vachitamba muboka reamateur.

Mutambo uyu uri kukotsverwa neDelta Beverages kuburikidza neGolden Pilsener nemari inosvika R1,8 miriyoni sezvayakaita gore radarika.
Sachigaro weGolden Pilsener Organising Committee, Livingstone Gwata, anoti makwishu aya ari kukura gore negore kunyangwe zvazvo mwaka uno vakotsveri vavo vasina kuwedzera mari yekuvatsigira nayo.

“Tine kutenda kukuru kuvakotsveri vedu avo vari kuuya uye vachida kushanda nesu mumutambo uyu.Vakotsveri vedu vakuru veGolden Pilsener takatanga kushanda navo kubva mugore ra2012 kusvika pari zvino uye tinotarisira kuti mutambo wegore rino uchange wakakura uchinakidza kukunda ngoma kurira,” akadaro Gwata.

Zvakadaro, Jbe Kruger wekuSouth Africa ndiye akahwina mumutambo uyu gore radarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>