Uncategorized

Zim yoronga kupedza rurindi mugore ra2030

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Zim yoronga kupedza rurindi mugore ra2030 Dr David Parirenyatwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE ine donzvo rekuti inge papedza chirwere cherurindi mugore ra2030 sezviri mumagwaro ebudiriro eUnited Nations Strategic Development Goals neWorld Health Organisation (WHO).

Zimbabwe iri panhamba 30 panyika dziri kutambudzwa nedenda iri.

Kudyidzana kweHIV neTB kuri pachikamu che67%. Mashoko aya akataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David

Parirenyatwa, pamhemberero dzeWorld TB Day idzo dzakaitirwa muHarare munguva pfupi yadarika.

“Kuwanda kwemichina yakaiswa muzvipatara kuti inge ichivheneka chirwere cheTB kuri kubatsira zvikuru kuti varwere vange vachiongororwa nenguva, zvikuru munguva ino apo nyika iri kutambudzwa nechirwere cherurindi icho chisingadaire mishonga (Drug Resistant TB),” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti muzvipatara zviri munyika yose mava nemichina inovheneka rurindi inosvika 129 yemhando yeGeneXpert kuchizoti mitatu iri yeLine Probe Assay machine zvinova zviri kubatsira mukuvhenekwa kwevarwere.

“Tinotenda nerutsigiro rwatiri kuwana kubva kuvatsigiri vedu neHurumende mukuisa chirongwa chekurwisa chirwere cherurindi padanho repamusoro izvo zvakazoumba bandiko reNational TB Caucus uye kusainirana kwechibvumirano cheBarcelona Declaration,” vanodaro.

Dr Owen Mugurungi

Dr Parirenyatwa vanoti vakaona zvakakosha kuti ongororo yechirwere cherurindi pamwe nekurapwa zvinge zvichiitwa mumatunhu ose kuitira kuti varwere vasadhurirwe pakufamba.

“Varwere vava kuongororwa vari kumatunhu avo pachinzvimbo chekuti vaende kuzvipatara zviri kure. Tine mishonga mitsva yerurindi iyo iri kubatsira mukurwisa chirwere icho chisingadaire mishonga zviri nyore (DR-TB) uye varwere vanenge vachiwaniswa mishonga iyi kwenguva diki vachiita zvakanaka.”

Munharaunda dzakatsaukana, vanodaro Dr Parirenyatwa, chirwere cherurindi chiri kuvhenekwa kuvanhu vari panyatwa yekuchibatira sevanoshanda mumigodhi, vanorarama neutachiona hweHIV, vane chirwere cheshuga, varapi, vapepi vevarwere nevanoshandisa mota nemabhazi zveruzhinji pakufamba.

“Kubvira pakatanga chirongwa ichi muna2017, vanhu 44 626 mumadistricts 16 vakavhenekwa rurindi uye 855 vakaonekwa vaine chirwere ichi,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Muhurukuro neKwayedza, Dr Owen Mugurungi, avo vanova director weAIDS and TB Unit kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti dingindira regore rino rinobata munhu wose, kunyanya madzimai nevechidiki kuti vaite mukomberanwa wekurwisa chirwere cherurindi.

“Donzvo redu rinobvira pahutungamiriri zvichienda kunharaunda, tinofanira kushanda pamwe mukurwisa chirwere ichi. Kuvhenekwa kwechirwere cherurindi nekurapwa kwacho kuri kuramba kuchikwirira kana tichienzanisa nemakore adarika. Kana tikabatana, ndinoona zvichigoneka kuti chirwere ichi chipere munyika.

“Chirwere cherurindi chinorapika nyore kana chichinge chakurumidza kuvhenekwa. Chakakosha kuwaniswa kudya kunovaka muviri nekuti ndiyo nzira bedzi yekuchirwisa,” vanodaro.

Dr Mugurungi vanokurudzira vapepi vevarwere kuti vagare vakashambidzika vachishandisa magirovhosi, mamasiki (masks), kugara panharaunda yakatsvinda uye kudya zvinovaka muviri.

“Tinokurudzira zvakare vapepi vevarwere kuti vanovhenekwa, vaonekwe kuti vanenge vasina chirwere ichi here nekuti chiri nyore kutapurirana kuburikidza nekukosora, marutsi, kufemerana, kugara mudzimba dzisinganyatsofefetera mhepo nezvimwe. Munhu anenge achinwa mishonga yechirwere ichi haakwanisi kutapurira vamwe, ndiko kusaka tichikurudzira kuti vanhu vavhenekwe nekurapwa nenguva kuitira kuti chisaramba chichipararira,” vanodaro.

Mhemberero dzeWorld TB Day dzegore rino dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Tinoda vatungamiriri vanorwira kupedzwa kwechirwere cherurindi muZimbabwe. Unokwanisa kuita nhoroondo yekupedza TB”.

Zimbabwe iri kuita mabasa makukutu mukuedza kurwisa kupararira kwerurindi apo chirwere ichi chakaderera nenyaya 208 mukati mevanhu 100 000 muna2016 kana zvichienzaniswa nenyaya 617 dzaiveko muvanhu 100 000 muna2003 uye nyaya 242 muvanhu 100 000 muna2015. Mukati mevanhu 28 225 vakavhenekwa chirwere cherurindi muna2015, chikamu che81% chavo chakarapwa chikapora zvisinei nekuti paitarisirwa kuti chikamu che90% chipore.

Izvi zviri kukonzerwa nekuti chikamu che10% chevarwere ava chiri kurasikirwa neupenyu panguva iyo vanenge vari kutora mishonga.

Matunhu akaonekwa ari kunyanya kutambudza nechirwere ichi anosanganisira Matabeleland South, Matabeleland North, Midlands neBulawayo apo aine chikamu che15%.

Zvakaonekwa zvakare zvakakosha kuti vanhu vakurumidze kuvhenekwa utachiona hweHIV nechirwere cherurindi.

Ongororo yezvirwere zviviri izvi pari zvino iri pachikamu che96% apo vanhu vari kutora mishonga yemaARVs vaiva pachikamu che86% muna2016.

Mamwe masangano ari kubatsira mukurwisa rurindi anosanganisira Global Fund, Challenge TB, National AIDS Council, WHO, International Union Against Tuberculosis and Lung Disease, Medicines Sans Frontieres, Solidarmed, Elizabeth Glaser Paediatric AIDS Foundation neClinton Health Access Initiative.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>