Uncategorized

Zim yorwisa Covid itsva

20 May, 2021 - 15:05 0 Views
Zim yorwisa  Covid itsva VP Chiwenga

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

HURUMENDE iri kusimbaradza matanho ekurwisa mhando itsva yechirwere cheCovid-19 – inodaidzwa nekuti B.1. 617 – iyo inopararira nekukasika zvekare yakatanga kunyuka kunyika yeIndia nguva yadarika uye zviri kunzi yave muZimbabwe zvichitevera ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano.

Mhando yeCovid-19 iyi iri kukonzera matambudziko makukutu pasi rose uye pari zvino India ndiyo ine vanhu vari kunyanya kubatwa nedenda iri izvo zvaona huwandu hwevanhu vari kufa kunyika iyoyi huchikwira mumasvondo adarika.

Zimbabwe kusvika pari zvino yaratidza kuti yakagadzirira zvikuru kurwisa kupararira kwechirwere ichi zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa neHurumende ichishanda pamwe chete nemamwe mapoka.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga – avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – nemusi weChitatu vakazivisa kuti Zimbabwe iri kusimbaradza matanho ekurwisa mhando itsva yeCovid-19 iyi.

Vanoti pane ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano kuKwekwe zvichitevera kunyuka kwechirwere ichi uye zvakaonekwa kuti pane munhu akabva kuIndia nemusi wa29 Kubvumbi kunova kuri kunetsa nemhando itsva yeCovid-19 iyi.

“Ongororo yakaitwa yakaratidza kuti mhando yeB.1.617 kubva kuIndia yakanyuka kuKwekwe. Nyika nekudaro inoziviswa kuti mhando yeB.1. 617 pari zvino yave muZimbabwe,” vanodaro VP Chiwenga.

Nyika ino iri kurumbidzwa pasi rose zvichitevera matanho airi kutora mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 apo sangano reWorld Health Organisation (WHO) neChina – kunove kwakatanga kunyuka chirwere cheCovid-19 – vose vari kupembedza basa guru riri kuitwa neHurumende yemuno.

Hurumende iri kusimbaradza zvakare matanho ekudzivirira kupararira kwedenda iri, zvikuru kune avo vanobva kunze vachida kupinda munyika muno.

Vanopinda muZimbabwe vanofanirwa kunge vakavhenekwa chirwere cheCovid-19 (PCR test) mukati memaawa 48 vasati vasvika muno.

Vasina chirwere ichi vanofanirwa kugara kwavo voga – kumba kana kuhotera – kwemazuva gumi, asi vashandi vezveutano vekumiganhu yenyika vane kodzero yekuvheneka zvakare vanhu vanopinda muZimbabwe zvisinei nekuti magwaro avo ekufamba anoratidza kuti havana chirwere ichi.

VP Chiwenga vanoti vanhu vari kubva kunyika dziri kutambura nedenda iri vachaongororwa zvakasimba kuitira kudzivirira kupararira kwaro muno.

“Vanhu vari kubva kana kudarika vachibva kuIndia vanofanirwa kumbogariswa kunzvimbo dzavo voga uye vachizvibhadharira mari dzekugara kunzvimbo idzi.

“Vafambi vakadai vachavhekwa Covid-19 pavanosvika zvisinei nekuti magwaro avo ekufambisa anenge achiti kudini,” vanodaro VP Chiwenga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>