Zim yosimudzira kurongwa kwemhuri

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Zim yosimudzira  kurongwa kwemhuri

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
ZIMBABWE imwe yenyika dzekutanga kuzadzikisa zvinangwa zvekuti chikamu che68 percent chevanhu chiwane nzira dzekushandisa mukuronga mhuri apo kwasara makore maviri nechidimbu kusvika gore ra2030.

Nyika ino yakawedzera kushandiswa kwenzira dzekuronga mhuri dzakanaka kusvika pa59 percent parizvino.

Zvisinei, pachine zvimwe zvinoda kuitwa kuitira kuti vanhukadzi, zvikuru vechidiki, vanogara kunzvimbo dzakasaririra munyaya dzebudiriro vange vachiwaniswa nzira dzekuronga mhuri nadzo pamwe neruzivo zviri nyore.

Musi weChishanu svondo rino (7 Chikunguru), bazi reutano nekurerwa kwakanaka kwevana richaita musangano wezvekuronga mhuri muguta reHarare pamusoro pezvingaitwe kusimudzira nyaya dzerudzi urwu.

Sangano reZimbabwe National Family Planning Council riri kushanda nesimba rakabatana nemamwe masangano mukusimudzira nyaya dzekuronga mhuri munyika.

Zvinangwa zvikuru zveZNFP ndezvekuwedzera mikana yekuwanikwa kwezvekushandisa mukuronga mhuri kubva pa59 percent kusvika 68 percent pamwe nekudzikisa kubata pamuviri kwevanasikana kubva pa24 percent kuenda pa12 percent panosvika gore ra2030.

Sangano iri riri pakati pemamwe ari kubudirira zvikuru muzvirongwa zvekuronga mhuri mudunhu reAfrica.

Zvakadai, musangano wekuronga mhuri weFamily Planning Summit uyo waive kuLondon, kuUnited Kingdom svondo rino nemusi weChipiri wakaitwa pazuva rimwe chete remhemberero dzeWorld Population Day idzo dzaive nedingindira rinoti “Kuronga mhuri: Kupa simba kuvanhu nekusimudzira nyika”.

Donzvo riripo nderekuti vanhukadzi vanosvika 120 miriyoni pasi rose vange vave kuwana nzira dzekuronga mhuri nadzo dzakanaka panosvika gore ra2030.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>