Uncategorized

Zim: Zvinotarisirwa nevanhu

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
RUZHINJI rweZimbabwe rwunoti rwune tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka munyika – kunyanya panyaya dzeupfumi – zvichitevera kusiya chigaro kwevaimbove mutungamiriri wenyika, Cde Robert Mugabe nemusi weChipiri.

Kwayedza yakakurukura nevanhu vakasiyana avo vanoti ino inguva yekuronga remangwana renyika.

“Chekutanga tinoda kuti dambudziko rekunetsa kwemari kumabhengi richipera uye hatichadi chinhu chinonzi bond note. Tinodawo mari yedu yemuno kuti zvive nechiremera,” vanodaro VaGeorge Boka (58) vekuStoneridge Park, muHarare.

VaEvans Nyamagutsa (39) vanofara kuti Cde Mugabe vakazosiya chigaro.

“Tinotenda VaMugabe nekuzobvuma kubva voga pane kuti vabviswe sezvakanga zvoda kuitika. Tinotarisira kuti chive chidzidzo kune vari kutora chigaro ichi kuti vaitewo zvido zvevanhu, zvikuru mukusimudzira upfumi hwenyika, dzidzo, kurima, maindisitiri nekuti mabasa awanikwe,” vanodaro.

VaPeter Irish vanoti Zimbabwe inofanira kukanganwa zveshure yotarira mberi.

“Tinoda kuti Zimbabwe ive neruzivo rwechizvino-zvino, tinobudirara uye inofanira kukanganwa zveshure yotarisa mberi,” vanodaro.

Yann Macherez (34) wekuFrance asi ari mugari wekuCape Town, kuSouth Africa anoti akauya kuZimbabwe semushanyi ndokuzoonawo shanduko huru iri kuitika munyika.

“Ndinotarisirawo shanduko munyaya dzeupfumi nematongerwo enyika. Ndiri kutomemawo kuti ndingazodzoka ndichiita bhizinesi ripi muno,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>