Uncategorized

Zimpapers Cancer Walk yakabudirira

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Zimpapers Cancer Walk yakabudirira Zimwe zvaiitika kuZimpapers Cancer Power Walk kwaMutare neMugovera.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers, iri kutenda vatsigiri vayo nevanhu vakabatsira muchirongwa chekurwisa zvirwere zvegomarara gore rino, cheZimpapers Annual Cancer Power Walk.

Gore rino, chirongwa chakaitwa nemusi weMugovera wadarika ichi chakauya panguva iyo bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakazivisa kuti zvirwere zvegomarara ndizvo zviri pamberi mukuuraya vanhu muZimbabwe nechikamu che30 percent pagore.

Vana nevanhu vari pasi pemakore 20 ekuberekwa vanodarika 250 000 vari kubatwa negomarara gore negore uye 90 000 vavo vanorasikirwa neupenyu.

Ndufu dzose idzi dzinokonzerwa nekuti veruzhinji vanoshaiswa mashoko kana kuti ruzivo maringe nezvirwere zvegomarara, zvikuru panyaya dzekunonoka kuvhenekwa uye dziviriro.

Nguva zhinji vanhu vanozonovhenekwa gomarara ratotekeshera, izvo zvinoita kuti mikana yekurapwa ive mishoma.

Kurapwa zvirwere zvegomarara kunodhura zvikuru izvo zvinoita kuti vanhu vazhinji vane chirwere ichi vapemhe rubatsiro.

Vamwe vanosarudza kuenda kunorapwa kunze kwenyika apo vanopa zvikonzero zvekuti kurapirwa muno kunodhura.

Mukushi wemashoko kuZimpapers, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, vanoti rutsigiro rwechirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk chegore rino rwakabva kumakambani nevanhu vakazvimiririra uye mucherechedzo wekuti chirwere chegomarara chiriko uye chiri kutambudza vanhu munyika.

“Zvinhu zvakaoma kumakambani nevanhu vakazvimiririra asi takakwanisa kuwana rubatsiro pachirongwa chegore rino uye tinotenda vose vakazvipira kubatsira,” vanodaro Muzvare Tonhodzayi.

Chirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk chinoitwa gore negore nemubatanidzwa wesangano reIsland Hospice and Healthcare uye zvose zvinowanikwa serutsigiro zvinoendeswa kuIsland Hospice kunobatsira varwere vepanhowo.

Gore rino, chirongwa ichi chakaitwa panguva imwe chete kuBulawayo, kwaMutare, muHarare nekuKariba.

Vamwe vakatsigira vanosanganisira Chinese Embassy, Procurement Regulatory Authority of Zimbabwe, Zimbabwe Revenue Authority, Zimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, Choppies, Audio Connect, Cresta Hotels, Zambezi River Authority, Ace Ambulance, Agribank, Fusertech, Zimbabwe Power Company, Medirite Healthcare, Zorro, B&P Group of Schools, Premier Services Medical Aid Society, Africa Trust, Nyaradzo neFBC Holdings.

Vamwe ndevanoti Pendulum Pharmaceticals, Ekhaya Travel, Tinmac Motors, Econet Wireless, Manica Boards and Doors, Manicaland Motoring Club,Tanganda, National Aids Council, Kariba Municipality, Devine Pharmarcy, Ambulance Care and Evacution, Check Up Health, Bantuart and Mutare Bottling Company, Emras nePowershop.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey