Zimpapers yorwisa gomarara

03 Nov, 2022 - 11:11 0 Views
Zimpapers yorwisa gomarara Zimpapers Cancer Power Walk

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno yeZimpapers neMugovera uno ichaita chirongwa chekuunganidza mari nerumwe rubatsiro rwevanhu vari kutambudzwa nechirwere chegomarara.

Chirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk, icho chinogara chichiitwa pagore, chichatanga nenguva dza5:30 mangwanani.

Mukushi wemashoko weZimpapers, Mai Pauline Matanda, vanoti gadziriro dzechirongwa ichi dzasvika padanho repamusoro.

“Kunyoresa kupinda muchirongwa ichi munhu anobhadhara US$10 kana kuti $6 500 uye achiwaniswa t-shirt yakanyorwa nezvechirwere chegomarara. MuHarare, vanhu vachafamba kubva paOld Hararians Sports Club.

“Chiitiko chimwe chete ichi chichaitwa muguta reBulawayo nemadhorobha anoti Gweru, Kariba, Mutare neMasvingo,” vanodaro.

Mai Matanda vanoti chirongwa ichi ndechechinomwe kubvira kuparurwa kwachakaitwa makore adarika nekambani iyi uye chinangwa chiri chekubatsira varwere vegomarara.

Mukushi wemashoko weZimpapers, Mai Pauline Matanda,

“Tinoita izvi sechikamu chezvirongwa zvedu zvemabasa etsitsi (Corporate Social Responsibility (CSR). Zimbabwe Newspapers (1980) Limited inoita chirongwa ichi yakabatana nesangano rinobatsira varwere vepanhowo reIsland Hospice uye mari yose ichiendeswa kunobatsira varwere vegomarara.

“Tiri kushanda nemakambani akasiyana mukutsigira chirongwa ichi apo West Property iri kuuya semutsigiri mukuru ukuwo bhanga reFBC Holdings neSunny Yi Feng vachitsigirawo nenzira dzakasiyana,” vanodaro Mai Matanda.

Vamwe vatsigiri vechirongwa ichi vanosanganisira Zimbabwe Energy Regulatory Authority (Zera), Karorina’s Wellness Spar, Radiation Protection Authority of Zimbabwe, ZimSwitch, Mackay, Hybrid Travel and Tours, Tsebo, Micour Visions (MCV), Steiner Afriqa, Rue’s Paper Flowers, Blaq Impressions, Premier Service Medical Aid Society (PSMAS), Ambulance Care uye Evacuation.

Sachigaro weWest Property Zimbabwe, VaSimba Kadye, vanoti vari kufara zvikuru nekutsigira basa rakanaka iri.

“Tiri kutarisira kuti vanhu nemamwe masangano vachatora chikamu chakakura nekutsigira chirongwa ichi. Isuwo tichauyawo kuzofamba, kwete kungove vabatsiri chete asi kuti titori chikamu chechirongwa chekurwisa gomarara,” vanodaro.

Managing director weBlaq Impressions, VaMahlon Ncube, vanoti vari kutarisira kuti vanhu vauye nehuzhinji hwavo kuzotsigira chirongwa ichi.

“Ndiri kutarisira kuti vanhu vakawanda vauye kuzotsigira vakabatwa negomarara rezamu. Nekuda kwekuti gomarara chirwere chisingatapuriranwe, varwere vazhinji vanotya kubuda pachena asi ndinovimba kuti vachabudirira nemushandirapamwe uyu,’’ vanodaro VaNcube.

Murairidzi wemitambo yekusimbisa muviri (fitness trainer), Zororo Nhira, uyo akapinda muzvirongwa zvishanu zvadarika nechirongwa cheZumba, anokurudzira veruzhinji kuti vauye kuzotsigira chirongwa ichi.

“Ichi chirongwa chandinotarisira gore negore uye chinangwa chiri chekuti vanhu vese vauye tifare, tibvise ndangariro dzinoremera njere tichidzidzisana nezvegomarara rezamu,” anodaro.

Mwedzi waGumiguru unocherechedzwa gore negore panyaya yekurwisa chirwere chegomarara uye kurangarira vakarasikirwa neupenyu nekuda kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>