Uncategorized

Zupco yovandudzwa

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Zupco yovandudzwa Information, Media and Broadcasting Services Minister Monica Mutsvangwa flanked by Women Affairs, Gender and Community Development Minister Sithembiso Nyoni and Justice, Legal and Parliamentary Affairs Minister Ziyambi Ziyambi during a press briefing in Harare yesterday. Picture by Justin Mutenda

Kwayedza

Munyori weKwayedza
DARE reCabinet nemusi weChipiri svondo rino rakaita chisungo chekuti kambani yeZimbabwe United Passenger Company (ZUPCO) ivandudzwe mashandiro ayo kuitira kuti iite basa rayo rekutakura veruzhinji nemazvo.

Izvi zvakaziviswa negurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, apo vaitaura kuvatori venhau, muHarare.

“Cabinet yaita chisungo chekuti ZUPCO ive nevashandi vakakwana kuburikidza nekupinza basa nekudzidzisa vashandi vakakosha,” vanodaro.

Cde Mutsvangwa vanoti dare iri rakawirirana zvakare kuti ZUPCO ishandise nzira itsva pakubhadharisa vanofamba nemabhazi ayo kuburikidza nekusevenzesa inonzi electronic ticketing system nechinangwa chekuwedzera mari yairi kuwana uye nekufambisa basa zvakanaka.

Nyaya yekuti ZUPCO ipihwe mvumo yekutenga mamwe mabhazi kubva kunze kwenyika kana kutenga mapatsi yozogadzira mabhazi muno, yakanzi inofanirwa kupedzwa nezvayo nechimbi-chimbi.

Dare reCabinet rakati mabazi ezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa pamwe chete nerekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba anofanira kushanda nemapoka akasiyana mukuvandudza nyaya dzekutakurwa kwevanhu mumaguta, vachitanga neHarare neBulawayo.

Cde Mutsvangwa vanotizve muHarare, chirongwa ichi chichabatanidzirawo kupedzwa kugadzirwa kwemugwagwa weAriport Road, flyover yekuenda kumugwagwa waEnterprise Road nemamwe maflyover emuguta iri nechinangwa chekudzikisa kuwanda kwemotokari mukati meguta.

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde July Moyo, vanoti chirongwa cheZUPCO chekutakura vanhu mumaguta nemadhorobha chiri kufamba zvakanaka zvikuru.

“Tiri kukwanisa kubhadhara mari inodiwa kuti mabhazi aya afambe izvo zvinove zvakakosha,” vanodaro.

Vanoti Hurumende iri kubhadhara $700 pazuva kumabhazi ari kuhaiwa kuti abatsirane neZUPCO mukutakura veruzhinji.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey