Zvaishandiswa kare nanhasi

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
CHISHONA chine midzi inobvira mukuyaruka kwamadzitateguru edu nekushanduka kweruzivo rwaikura nguva nenguva.

Kudya chaiko kwakatanga kuri kwekuvhima nyama musango umo mavaigara. Izvo zvaiitwa nevanhurume ukuwo vanhukadzi vaichera tsombori nekuunganidza michero yesango.

Mukuita mabasa aya vaishandira zvombo zvakasiyana-siyana. Zvombo izvi zvaigadzirwa nezvinhu zvavaiwana munharaunda mavaigara. Vakabva vazvitumidza mazita aikodzera. Varume vaiita mabasa ekuvhima mhuka nokudaro vaida zvombo zvaiita kuti vauraye mhuka vasina kusvika pedyo. Vaigadzira uta nemiseve zvekupfurisa mhuka. Vaigadzira zvakare mapfumo.

Kana dziri mhuka dzakaita senhindiri nesema, vaidzibaya nemhayo kana kuti kandye. Mazuva ano tava kushandisa pfuti kana chibhamu kuuraya mhuka. Nekuzouya kwakaita simbi, vanhu vakatanga kuita mabasa ehumhizha apo vaipfura mapadza, matemo nemakano vachishandisa mvuto kufuridza moto. Mvuto iwoyo yaiswa dehwe kumashure kwayo.

Kana vainge vapedza kupfura mapadza, makano nembezo, vaibva vaveza mipinyi. Mupinyi waitsvenenzverwa nematombo kusvika wobatika zvekusasema vaiushandisa.

Mupinyi iwoyo waiboorwa buri rekupfekera badza kana demo. Vaishandisa muururo kana kuti muduriro. Kana nanhasi uno tichiri kushandisa muduuriro kana muuriro kubooresa mipinyi yemapadza, asi vechizvino-zvino vave kushandisa mabhora kana kuti mudhiriri kubora zvinhu.

Kare vanhu vaichekesa zvinhu neyainzi mhesvi iyo yaigadzirwa nemuti wemupangara. Nekuzouya kwakaita simbi mazuva ano, tava kushandisa mapanga kucheka zvinhu uye kana kuri kucheka mapuranga tava kushandisa masaha.

Misuo kana mikovo yedu tinoshandisa masasa anoda kudzivirirwa kuti asavhurike. Kuti asavhurike tinokiya tichishandisa chinyina chekii kuna kuti chimai chekii. Chatinokiinurisa musuo chinonzi chimwana chekii. Icho chinoshandiswa kukiya kana kukiinura musuo chinonzi svumbunuro. Kana tichienda kuhondo kana kunopomhodza mhirizhonga tinoda kuzvidzivirira kubva kumiseve, matombo kana mabara chaiwo. Ichocho chatinozvidzivirira nacho pakurwa chinonzi nhoo. Tinoona mapurisa akatakura dzavo nhoo netsvimbo kana vachinge vachinopomhodza mhirizhonga.

Kana tichiisa zvigamba kana zviremo pambatya dzakabvaruka tinoshandisa tsono kana kuti tsingano. Tsingano inodaidzwa zvakare kuti nariti.

Nariti iyi ndiyo tinosonesa pese pabvaruka asi kana rava saga rinoda kuvharwa nekuti razara tinoda dumbo kana kuti dumho. Kana tosona matehwe nekugadzira shangu dzakabvaruka tinenge toda mutsunda.

N’anga dzinotemesa nyora nenhavhaya, iya yatinoti reza.

Mhuka dzesango dzinobatwa nekuteiwa nemusungo kana madhibhura. Vamwewo vanogadzira zvizarira. Vamwewo vanoteya shiri neurimbo kana nemariva. Urimbo hunonamira nokudaro zaza reshiri rinobatwa pamutatarimbo mumwe chete. Mbeva nemakonzo zvinobatwa nemariva kana chikachikiro.

Dzimba dzekumaruwa kare dzaisaiswa simende pauriri hwadzo. Dzaingoiswa mavhu manyoro dzoroverwa nekutsindirwa nechikuvauro kana kuti chidzayo. Mombe dzinosungwa pachipani pajoki pachishandiswa chitorobho. Mombe idzodzo dzinotyairwa nechiwepu kana tyava. Kana mombe dzosakura nekaravheta dzinoiswa zvikandira kana kuti matomhu kumuromo kuti dzisadya zvirimwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey