Uncategorized

Zvamboita seiko zvemabhurugwa anaZodwa?

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Zvamboita seiko zvemabhurugwa anaZodwa?

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NHAIMI, hamunawo kuona kuti zvaishura? Ini ndakagara ndazviona kuti uku ndiko kudyirwa munda nembwa sekunonzi takarima nyama. Ndiyo tsamba inounzwa nenhunzi kuti ikuudze kuti pauri pane tsvina.

Ndakagara ndazviona kuti chokwadi nyika ingasvike pakutaura zvekusapfeka bhurugwa kwaZodwa, asi panguva imwe chete tichiunza vasikana vekuBrazil vakapfeka tumabhurugwa twunongori tambo kuti vazotiratidza miviri yavo nekupinimidza miswe pamberi pemhuri yeZimbabwe.

Isu tototi carnival yakanaka!

Chokwadi chiguri chiri nani nekuti unoziva kuti hachisisina chibage nekuti pane akadya chibage chacho.

Asisina kupfeka apa ndeupi zvino, isu, kana Zodwa kana vasikana vekuBrazil?

Nesuwo hatisisina kupfeka nyangwe zvedu tichifunga kuti takapfeka.

Tafanana naZodwa asina chinhu mukati. Tafanana nevasikana vekuBrazil vari kutiratidza nyama dzinoyera.

Kana tachipisa tsika nehunhu hwedu kudai, tiri kudzidzisa vana kuti kudii?

Kana vana vedu voti tave kudawo kutanga carnival dzedu tisina kupfeka tinozovarambidza here?

Hanzvadzi yangu yakaendawo nemurume wayo pamwe chete nevanasikana vavo kucarnival. Ndakazomuona zuva rakatevera achizunza musoro semombe yarumwa nemago.

Ndakati, ko zvaita seiko nhai MaNcube? Zvikanzi, “Hanzvadzi, handisati ndambonyara zvekushaya pekupinda saizvozvo. Vasikana vekuBrazil vakanga vachitamba vasina chinhu pamuviri. Hongu, vaive netunovhara apo nepapo, asi vakanga vari nzungu dzakamenywa, musvo!”

Hanzvadzi yangu yakashaya chekutaura nemurume nevanasikana zvekuti pakupedzisira, murume wake akazoti, “Ndiri kunzwa musoro, saka ndave kuenda kumba, imi muzotevera nevana.”

Mukuwasha wangu akashinga akatiza carnival isati yapera nekuti haina hunhu.

Ndakambopindawo muzvinhu zvakadaro ndiina amai vangu. Takanga takwira kombi, zvino mukombi umu makaita mumwe murume akanga achitaura zvinyadzi zvese zvaungafunge achishevedzera.

Ndakasara padiki-diki kuburuka ndisati ndasvika.

Zvinhu zvisina hunhu zvinopesana nemweya waMwari uri matiri. Carnival icarnival nhasi, asi mangwana iponogirafu nekuti kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.

Josefa muBhaibheri akaitirwa carnival nemukadzi waPotifa.

Carnival inotsvaga kumutsa kana kuti kudenha zvine chekuita nebonde.

Carnival inofadza varume nekuti varume vazhinji tinofunga nemaziso edu.

Asi ipo pakuona ipapo pakatuma vamwe kuti vati dai ndabata, vabata vakati dai ndadya, vadya vakati “ndanga ndisingazive kuti kuve imbwa kunonakidza kudai.”

Nekuda kwekupihwa pfungwa dzebonde necarnival, vazhinji vakaita bonde risingabvumirwe, uye vamwe vakazvitorera zvirwere.

Dambudziko redu nderekuti tine vanhu pakati pedu vari kusvetuka bhodha rehunhu.

Ukasvetuka bhodha unofunga kuti uri shasha, asi uchazoona kuti dai wakapinda nepasipoti kana wabatwa, wave kudhipotwa.

Nhai imi vanhu, iyo carnival, zvinhu zvakafumuka kudai tiri kuzviitireiko?

Tinobatsirwa nei senyika nazvo? Kana iri mari, musakanganwe kuti Judhasi akatengesa Jesu nemari asi hunhu hwakakosha kudarika mari, uye zita rakanaka rinokunda ndarama.

Carnival kudya mango mbishi, ticharwara uye tigoita hugugu. Nyaya yemitambo ine rufu, semutambo wekupemberera kuzvarwa kwaHerodhi wakazourayisa Johani Mubhabhatidzi akanga achiudza vanhu kuti “Gadzirai nzira yaShe.”

Tsika nehunhu zvinhu zvinofambirana sesvutugadzike neshuga, sekombi nahwindi, bhengi nemari, bhawa nedoro, kutenga nekubhadhara.

Carnival yakauya netswanda dzayo dzakazara hupenzi nehunzenza.

Carnival ndiyo yazotiita kuti tese tive anaZodwa Wabantu.

Asika, pese patinoita mitambo, tine zvatiri kutaura — zvingave nemashoko kana nezvinenge zvichiitika!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>