Uncategorized

Zvekuita vanhu vari kumba

15 May, 2020 - 00:05 0 Views
Zvekuita vanhu vari kumba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KUNYANGWE zvazvo kunyuka kwechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 kwaunza matambudziko kuruzhinji rwevanhu, kune vamwe vari kuti denda iri ravaiita kuti varongere ramangwana ravo nekuzvishandira vari kudzimba.

Vamwe vanoti vaifunga kuti vanozotanga kuita mabasa emaoko kana vava pamudyandigere. Asi zvichitevera kunzi veruzhinji vambogara kudzimba kuitira kudzivirira kutapurirana nekupararira kweCovid-10, vamwe vavamba mabhindauko emaoko ekuraramisa mhuri dzavo uye panguva imwe cheteyo vachishandira makambani avo vari kumba.

Mai Elizabeth Chidi, avo vanova mubereki ane mumwe mwana akaremara uye vachishandira sangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association, vanoti vakatoona kuti vamirire kupera kwelockdown kuti vozodzokera kubasa hakuna chimuko ndokutanga bhindauko rekusona mamasiki ekudzivirira chirwere cheCovid-19 vachitengesa.

“Tiri sangano rakazvimirira uye tinoshanda nevabereki vane vana vakaremara. Ndakatoona kuti kusona mamasiki ndiwo mukana uripo ungandipa mari apo nyika yatarisana neCovid-19 uye vanhu tiri kunzi tigare mudzimba.

“Pazuva ndinotengesa mamasiki anodarika zana imwe chete ichiita RTGS15,” vanodaro.

Vanoti mari yavari kuwana iri kuvabatsira mukuriritira mhuri uye imwe vari kuichengeta padivi kuitira kuti vagozobhadharira vana mari dzechikoro pazvichavhurwa.

“Kungogara pamba pasina chaunoita kunorwadza, kunyanya kana uri munhu uya anga ajaira kumukira kubasa. Saka kusona kunondivaraidza zvekuti ndinoerekana zuva ratodoka ndisati ndapedza maodha ezvinenge zvichidiwa nevanhu,” vanodaro.

Vanotenda Hurumende nekuisa mutemo unoita kuti wose anobatwa asina kupfeka masiki anosungwa nokuti ndizvo zvava kuita kuti vawane vatengi.

“Nehuwandu hwevanhu vari munyika muno, ndiri kuona uyu uri mukana mukuru wekuita mari panguva imwe cheteyo tichichengetedza utano. Tinokurudzirawo vatengi vedu kuti vasaregedza mamasiki achinuna netsvina, ngaagezwe nesipo ozoainwa kubvisa hutachiona.”

Mai Chidi vanoti dambudziko riripo ndere rekudhura nekushaikwa kwemachira panguva ino apo zvitoro zvaanotengeswa zvakavhara.

VaThomas Mubvuwi (47) vekuChitungwiza vanoti vari kushandisa motikari yavo kuenda kumapurazi epedyo vachinohodha muriwo, madomasi, mbambaira nembatatisi izvo vari kudzoka vachitengesa.

“Semunhu anga ajaira kumukira kubasa, ndakaona kuti kungogara hazvibatsire. Saka ndiri kuhodha zvirimwa ndichitengesa ndichitoita mari yakapetwa katatu pane yandinositambira kubasa. Coronavirus yatichangamusa.

“Kunyangwe ikazonzi yapera, ndichatoita mabhindauko makuru anodarika apa. Kutaura chokwadi ndadzidza zvakawanda munguva ino yatigere kudzimba,” vanodaro.

Zvichakadai, mamwe makambani ari kutoronga kuti vashandi vawo vashandire vari kudzimba senzira yekuderedza kutapurirana kwechirwere chabata nekuuraya vanhu vakawandisa pasi rose ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey