Uncategorized

Zvibhorani zvitsva 4 000

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Zvibhorani zvitsva 4 000 Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi 

HURUMENDE inoti zvibhorani zvinosvika 4 580 zvitsva zvakacherwa pamwe chete nekuvandudzwa munyika yose nechinangwa chekusimudzira nyaya dzehutsanana, zvikuru kuwanikwa kwemvura yakachena yekushandisa neveruzhinji, nechinangwa chekurwisa chirwere cheCovid-19 kubvira pakanyuka denda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende inokoshesa zvikuru nyaya yekuti veruzhinji vawane mvura yakachena yekushandisa apo nyika iri pakati pekurwisana nedenda iri.

“Zvibhorani zvinosvika 85 zvitsva zvakacherwa uye zvimwe 123 ndokuvandudzwa neHurumende ichibatsirana nemapoka ainoshanda nawo munguva pfupi yadarika. Izvi zvabva zvaita kuti huwandu hwezvibhorani zvakacherwa nekuvandudzwa kubvira pakatanga chirongwa chekurwisa Covid-19 husvike pa4 580,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti mvura iri kuburwa zuva roga roga kumizinda yakasiyana yekanzuru yeguta reHarare inoona nezvemvura inosvika 200 mega-litres.

Kunze kwazvo, vanoti pane michina yekuchenesa mvura inokosha US$9,3 miriyoni yakatengwa kuGermany iyo yakatanga kusvika munyika muno.

Michina iyi inotarisirwa kubatsira zvikuru kusimudzira kupombwa kwemvura kumizinda yakasiyana yeHarare inosanganisira Alexandra Park, Letombo neWaterfalls.

Nyaya dzekuita hutsanana hunosanganisira kugeza maoko nemvura ine sipo dzakakosha zvikuru mukurwisa Covid-19.

Hurumende, vanodaro Sen Mutsvangwa, iri kutanga zvakare zvirongwa zvekuyeuchidza uye kupa chenjedzo yakasimba kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 panguva iyo mwaka wezhizha wave kutanga.

Vanoti Cabinet yakaita chisungo chekuti pave nezvirongwa zvekuyeuchidza veruzhinji pamusoro pedenda iyi izvo zvinenge zvichitungamirirwa neInter-Ministerial Taskforce on Covid-19 kumapurovhinzi ose enyika.

Kusvika nemusi weChipiri chino, Zimbabwe yange yave nevanhu 8 410 vakawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 7 942 vakatopona asi vamwe 245 vakafa.

“Cabinet yakaita chisungo chekuti pave nezvirongwa zvinoitwa neIter-ministerial Task Force kumapurovhinzi ose zvekuyeuchidza uye kupa chenjedzo kune veruzhinji nehutungamiriri hwemunharaunda pamusoro penjodzi yeCovid-19 apo mwaka wezhizha wave kutanga,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Cabinet inosimbisisa kukosha kwekuti veruzhinji vasavarairwe maringe nekurwisa chirwere ichi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>