
Kwayedza

Abel Ndooka
MUBATI wepagedhi wemaWarriors neSuperSport United yekuSouth Africa – George Chigova – ashaya.
Mashoko ari kutenderera anoti mutambi uyu ange asiri kunzwa zvakanaka kubva munaChikunguru apo aitambudzwa nechirwere chemoyo (heart-attack) izvo zvazokonzera kufa kwake nhasi.
Chigova akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Dynamos, Polokwane City yekuSouth Africa neSuperSport United yekuSouth Africa zvekare.
Akakwanisa kutambira maWarriors kakawanda uye ndiye aive mubati wepagedhi wechikwata ichi kumutambo we2019 Africa Cup of Nations apo chairairidzwa naSunday Chidzambwa.
Zvakawanda zviri kutevera…