Uncategorized

zvidhoma ‘zvokedebura’ maticha

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
zvidhoma ‘zvokedebura’ maticha

Kwayedza

Whinsley Masara

MATICHA epachikoro chiri kuTsholotsho – icho chakatadza kuvhura pakutanga kwetemu ino mushure mekunge vashandi ava vatiza kushungurudzwa nezvidhoma izvo zvinoenda navo pabonde – vari kuti vagari veko vanofanirwa kunorarawo mudzimba dzevarairidzi ava pachikoro ichi kuitira kuti vazvionere pamhuno sefodya pfumvu yavari kuoneswa nezvidhoma izvi.

Zvikwambo izvi zvinonzi zvinoita bonde nevakadzi zvose nevarume vepaDlakapiya Primary School.

Varairidzi ava vainge vadzoka pachikoro ichi nguva pfupi yadarika zvikoro zvisati zvavhurwa segadziriro yekuzarurwa kwezvikoro asi vakazombodzokera kudzimba dzavo zvichitevera kushungurudzwa kwavari kuitwa nezvidhoma.

Zvisinei, vashandi ava vakazodzoka pabasa apo vakawirirana nevagari veko kuti vambonorara vakavarindira kuitira kuti vasaoneswe ndondo nezvikwambo izvi.

Izvi zvinotevera misangano isingaperi yaitwa mumasvondo apera apo vagari venzvimbo iyi vanoti vakatenderwa kuti vanorara mudzimba dzematicha nechinangwa chekuti vazvionera nekuzvinzwira zviri kuitika pamwe nekuvachengetedza varairidzi kubva kuzvikwambo zviri kuvashungurudza panguva iyo vakamirira kuti chikoro ichi chichenurwe.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaOlman Ndlovu, avo vaimbove munyori musangano reSDC, vanoti vari kuita majana ekunorara mudzimba dzematicha kusvikira zuva rekuchenurwa kwepachikoro rasvika.

“Mushure mekuchema-chema navo, maticha akazodzoka pachikoro. Takavavimbisa kuti chikoro ichi chichachenurwa kana tichinge tapihwa mvumo namambo wedunhu rino.

“Bazi rezvedzidzo rakabvuma kuti tiite zvose zvatinenge tabvumirana nevarairidzi senharaunda. Pavakadzoka, varairidzi vakabvuma kuti vachagara pachikoro kana tichizovachengetedza husiku hwose kuitira kuti vasasangane nedambudziko rimwe chete iri. Izvi zvakabvumirwana senzira yekuti vana vasarasikirwe nedzidzo,” vanodaro.

VaNdlovu vanoti zvidzidzo zvakatanga pachikoro apa zvisinei nekuti vachiri kumhanya-mhanya kutsvaga maporofita nen’anga vekuti vazochenura chikoro.

VaJabulani Mpofu, vanova mukuru wezvedzidzo kuMatabeleland North (provincial education director) vanotsinhira nezvechiitiko ichi.

“Ichokwadi, takatambira mashoko kubva kuvakuru vechikoro ichi vachiti vakange vakundikana kuvhura nenguva nepamusana pekuti varairidzi vari kushungurudzwa nezvidhoma apo vakasvika pachikoro chavo asi ndokudzokera kudzimba dzavo vachitiza.

“Maticha ose ange apata chikoro ichi uye ndinonzwa kuti kushungurudzwa kwematicha aya nezvikwambo kwange kwakanyanya zvikuru panguva iyo zvikoro zvakanga zvava pedyo nekuvharwa temu yapera,” vanodaro VaMpofu.

Vanoti varairidzi vane kodzero yekushanda vakasununguka, nekudaro dambudziko iri rinofanira kugadziriswa nekukasika kuburikidza nezvinenge zvawiriranwa pakati pevabereki nevakuru vepachikoro.

“Zvinonzi zvikwambo zviri kushungurudza maticha nenzira yebonde, vose varume nevakadzi. Saka pakaitwa nhaurwa pakati pechikoro nevanhu vemunharaunda kuitira kuti dzidzo inge ichifambira mberi panguva iyo chirongwa chekuchenurwa chakamirira kuzoitwa,” vanodaro.

Varairidzi vepachikoro ichi vanonzi vanongonzwa kugogodzwa kunotyisa kwemisiwo yavo, kugudubudzwa kwematafura pamwe nemitsindo kusanganisira pamusoro pedzimba dzavo asi pasina munhu wavanoona.

Dunhu iri rine mukurumbira wekushungurudzwa kwevanhu nezvidhoma kana kuti zvikwambo.

Mumwedzi waKurume 2017, paTiki Primary School, kuLupane, chikoro ichi chakavharwa apo maticha akatiza kushungurudzwa nezvikwambo ndokunopotera pakamba yemapurisa eko.

Muna2016, varairidzi vepaSibangani Primary School mudunhu rimwe chete vakatiza mabasa zvikwambo zvavashungurudza nenzira yebonde.

Muna2015, varairidzi vepaSiyagaya Primary, kuTsholotsho kwekare, vakapata chikoro zvakare mushure mekushungurudzwa nezvidhoma nenzira imwe chete iyi. Chikoro cheNengasha Primary chiri kuHwange, gore rapera chakanonokazve kuvhurwa mushure mekunge varairidzi vepo vaoneswa pfumvu nezvikwambo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>