Zvikoro 100 zvitsva

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Zvikoro 100 zvitsva VaDokora

Kwayedza

Dr Dokora

Dr Dokora

GURUKOTA rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuvaka zvikoro zvinosvika 100 munguva inotevera kumatanhu akasiyana enyika nedonzvo rekuwanisa fundo kuvana vose. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa cheNational Global Action Week for Education kuGwanda svondo rapera, Dr Dokora vanoti pane nzvimbo 83 dzakatodomwa kare dzichavakwa zvikoro izvi.

“Mugore ra1980, vana vepuraimari vaipinda chikoro vaisvika 1,2 miriyoni asi iye zvino vave kusvika 3,2 million. Kusekondari huwandu hwevadzidzi hwakwira kusvika kumiriyoni rimwe chete kubva pa74 321. Naizvozvo zvikoro zvinoda kuramba zvichivakwa,” vanodaro Dr Dokora.

“Tine hurongwa hwekuvaka zvikoro 100 munguva iri kutevera uye panotove nenzvimbo 83 dzakatodomwa kare idzo dzichavakwa zvikoro zvepuraimari nesekondari izvi.”

Vanoti zvikoro zvitsva zvose kuti zvitenderwe kushanda zviri pamutemo, zvinofanira kuve nezvivakwa zvakakodzera zvakaita sedzimba dzekudzidzira pamwe nezvimbudzi zvakaringana.

“Vadzidzisi vanofanirwawo kunge vaine dzimba dzokugara dzakanaka zvinova zvatiri mushishi kugadzirisa. Hakuna zvikoro zvitsva zvichabvumidzwa kushanda zvisati zvave nezvivakwa zvakakodzera zvakaita sedzimba dzevadzidzisi.

“Ikodzero yevadzidzisi kuti vange vaine pekugara pakanaka zvinovawo zvinoita kuti vaite basa nemazvo, ” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti chishuwo cheHurumende kushanda pamwe chete navanamuzvibhizimisi pamwe nenharaunda mukusimudzira dzidzo kumatunhu akasiyana enyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey