‘Zvikwata zvePlatinum zvatanga zvakanaka’

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Zvikwata zvePlatinum zvatanga zvakanaka’ Chris ‘Romario’ Musekiwa

Kwayedza

Abel Ndooka
NYANZVI dzekuongoora mutambo wenhabvu dzinoti kubvira pakatanga mwaka weCastle Lager Premiership zvikwata zvinoti Ngezi Platinum neFC Platinum ndizvo zviri kutamba zvinodakadza.

Ngezi Platinum pamwe neFC Platinum zvakwanisa kuhwina mitambo yazvo yese miviri yazvatamba masvondo maviri adarika kunyangwe hazvo FC Platinum yakazogachidzwa zvibodzwa zvitatu nePremier Soccer League zvichitevera mutambo wayo waisina kuzotamba neZPC Kariba.

Mike Madoda – uyo ane mukurumbira mukuongorora nhabvu nemimwe mitambo – anoti zvinonetsa kutaura nezvekuhwina mukombe wePSL parizvino sezvo mwaka uchangatonga.

Charles Mabika

Anoti Ngezi Platinum neFC Platinum zviri kurakidza kuti zvakarongeka uye ari kutarisira zvikuru kubva kwazviri.

“Mitambo ichangotanga saka zvinonetsa kuti titaure kuti ndechipi chikwata chichahwina mukombe kana kuti chichaburitswa muligi asi nhabvu yave kubikwa kuzvikwata zvePlatinum ndicho chokwadi, ndiko kune bhora rese.

“Ngezi Platinum neFC Platinum zviri kutamba nhabvu yepamusoro uye zvakarongeka zvikuru,” anodaro.

Madoda anoenderera mberi achiti ZPC Kariba kana  ikasagadzirisa nhunha dzayo zvichakonzera kuti iburitswe muligi iri mwaka uno sezvakaita Harare City gore radarika.

“ZPC Kariba ndinoityira ikaita zvekutamba ichaenda sezvakaita Harare City gore radarika nekuda kwenyaya dzavo dzebhodhi iro riri kunetsana nekuda kwenyaya dzakasiyana idzo dzave kukanganisa chikwata chavo.

“Harare City yaive nevatambi vepamusoro asi mashandiro aiita chikwata ichi zvakakanganisa zvakawanda kusvika yaburitswa muPSL,” anodaro Madoda.

Charles “CNN” Mabika anoti hapana chikwata chinonzi chikuru kana chidiki muPSL mazuva ano nekuti zvacho zviri kunzi zvidiki ndizvo zviri kutamba nhabvu yepamusoro, inonwisa mvura.

“Hatingati Dynamos neCAPS UNITED zvakatanga zvakashata, kwete nekuti zvikwata zvazviri kutamba nazvo zvatanga zvakatokwidza uye zviri kutodya marasha, zviri kuda kuhwina.

“Zvikwata zvavakasangana nazvo zvinoziva zvinangwa zvazvo kuti zvinoda kuramba zviri muPremier League saka zvinototamba kunge zvakasvikirwa kuti zvirambe zvirimo zvisaburitswe mumutambo uyu.

“Asi FC Platinum neNgezi Platinum zviri kuziva basa razvo, hazvina kumbozorora nekuti zvinoziva kuti zvine zvazviri kuda kuhwina mwaka uno. Saka zvakaramba zvichishanda nesimba kuti zvisvike pazvava ndiko kusaka zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura,” anodaro Mabika.

Anoenderera mberi achiti, “Tunyaya-nyaya turi kuitika kuzvikwata zvikuru izvi ndizvo zvimwe zviri kukonzeresa kuti zvidzikire. CAPS UNITED chaiyo vamwe vatambi vayakatenga hameno kuti yaifungei chaizvo, kutenga here kungonzi yatenga kana kuti inoda kuvasandisa vatambi vacho?

“DeMbare yakatora nguva ndefu ichinetsana nevamwe vatambi vayo kusanganisira Denver Mukamba uyo ave kuCAPS UNITED, zvimwe zvezvikonzero zvaidzosera gadzirio dzayo kumashure,” anodaro Mabika.

Zvakadai, Chris “Romario” Musekiwa mutsigiri mukuru wenhabvu wemuno anoti haabvumirane nemafungiro aMabika naMadoda achiti Dynamos neHighlanders ndizvo zvikwata zvikuru munyika muno.

“DeMbare neBosso zvibaba zvenhabvu zvemuno, kungoshaya havo mari fanike zviri kuitwa nematimu ePlatinum asi zvikwata zvikuru uye zvinogona kungobvongodza zvikabvuta mukombe.

“Zvikwata zvePlatinum zvese zvine mari, zvinotenga vatambi vazvinoda uye zvichivabhadhara mari dzavo asi panyaya yebhora zvichiri zvidiki. Ngezi Platinum icharangwa neDynamos uye ndipo paichabva yamukira DeMbare apo ichange yave kusadzoreka yave kukavira mberi,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>