Zvikwekwe: Varimi vopihwa mishonga

29 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Zvikwekwe: Varimi vopihwa mishonga Mombe dzine zvikwekwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

 

VARIMI vemombe vari kukurudzirwa kuti vatore mukana wekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe kuburikidza nechirongwa chekupihwa mishonga pachena chePresidential Blitz Tick Grease Programme.

Kusvika pari zvino, varimi vanodarika 600 000 munyika yose vawaniswa mishonga yekurwisa zvishambwe (tick-grease) kubva kubazi reDepartment of Livestock and Veterinary Services pasi pechirongwa ichi, icho chakatanga gore rapera.

Varimi vari kukurudzirwa kuti vaende kumapazi eGrain Marketing Board (GMB) ari pedyo navo kuti vanotora mishonga iyi pamwe nekusimbaradza nyaya dzekudhibhiswa kwemombe senzira yekuderedza zvishambwe kuzvipfuyo kuti zvisarware nechirwere cheTheileriosis icho chinonyanya kuzivikanwa nekuti January Disease.

Dr Josphat Nyika, vanova chief director kuDepartment of Livestock and Veterinary Services, vanokurudzira varimi kuti vashandise mushonga wetick grease uyu nemazvo senzira yekurwisa zvikwekwe.

“Mushonga wetick grease tiri kuupa kuvarimi pachena uye varimi ngavaende vanoutora kumapazi eGMB ari pedyo navo. Tine 600 000 kgs dzemushonga wetick grease uye varimi vari kunzvimbo zhinji dzine dambudziko rezvikwekwe vakatopihwa,” vanodaro.

Zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zvapedza mombe

Dr Nyika vanoti bazi ravo rakaendesa zvekare matani 100 emishonga yekudhibhisa mombe munyika yose nokudaro vanokurudzira varimi kuti vaende kudhibhisa zvipfuyo zvavo.

“Tinokurudzira varimi kuti vadhibhise mombe dzavo svondo rega-rega, ndiko kuti tikwanise kukunda dambudziko rezvishambwe. Chirwere cheJanuary Disease chinowanza kubata zvipfuyo pakati pemwedzi waZvita naKurume uye chinokonzerwa nekurumwa kunoitwa mombe nezvikwekwe zvemhando yebrown ear tick,” vanodaro.

Dr Nyika vanoenderera mberi vachiti, “Mombe dzinenge dzabatwa nechirwere cheJanuary Disease dzinozvimba kana kuita mwambabvu pasi penzeve, pabandauko, kucheneruka kwemaziso, kunetseka pakufema uye dzichibuda furo nemumhuno nemukanwa. Dzikanonoka kurapwa dzinongopunzika dzotofa.

“Chirwere cheJanuary Disease chakaipisisa zvikuru nokudaro kana chichinge chanyuka, varimi vanosungirwa nemutemo kuti vamhan’are kubazi redu.”

Mugore ra2017, chirwere ichi chakauraya mombe dzinodarika 500 000 munyika yose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>