Uncategorized

Zvinoreva musoro wenyaya Matsotsi

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva

“MATSOTSI” naRuby Magozvongwe

ONGORORO:

Musoro wenyaya iyi une zvaunoyeuchidza muverengi  kana kuti zvinotaurwa nevanhu kuti “matsotsi” ndiyo hosha iya yemukondombera. Wainzwa wochiti kana ukanzwa kuti munhu akarohwa nematsotsi zvinoreva kuti ane chirwere chemukondombera.Kubva mune zviri kutaurwa munyaya iyi, muverengi anogona kupa mhinduro yekuti chokwadi matsotsi aya ndiwo hosha yerudzi urwu. Pane zvinotaurwa zvinoita kuti muverengi ape mhedziso iyi. Kupfeka kunoita Meja mbatya ari pazororo idzo dzainge dzisingabviswi pamuviri kunoita kuti vanhu vave nemibvunzo yakawanda.

Chepiri chinove munongedzero kune hosha iyi ndezvinotaurwa nababamunini Tafirenyika.

Vanoti, “Tete matsotsi ndinovaziva ini . . . Maiguru vandidaidzira kuti ndionewo muputi muputi mumusoro maMeja apo vanga vachimuvewura musoro. Hautarisi kaviri tete. Mukomana uyu kana pane vaakaseva navo iye mukadzi ariko kumushako hameno . . . Zvazvino hazvina ndakachenjera” (128).

Tinozonzwa hanzvadzi yababamunini Tafirenyika ichitiwo, “Kana ariwo matsotsi anotaurwa ndiwo anoti nemba imwe chete namata?” (130).

Hosha iyi tinoona kuti yatora vanhu vatatu vemhuri munguva pfupi. Tinotanga kunzwa kuti akatanga kufuga rake oga ndiKerina munaZvita, anotevera ndiMeja muna Ndira, anozoteverawo ndibaba vaTapiwa muna Kurume. Ndosaka mudzimai waVaTinarwo achizofunga kuti hapana chingada kufambirwa here sezvo zvinhu izvi zvainge zvisiri zvega.

Mukudetemba kunoita mudzimai waVaTinarwo vanzwa nezverufu rwemwanakomana wavo pamwepo nekuzoona mutumbi wemwana wavo tinoona kushungurudzika kukuru uko kunobuda nekushandiswa kwemudungwe wemubvunzo sokudai:

Ndakatadzeiko ini?

Ndinozvionerwa naniko nhai?

Mhai mandisekereiko ini?

Ndoendepiko kusina rufu?

Rufu wandioneiko ndega ndega ini?

Vamwe vanopiwa nguva yekuchema wani?

Ndakanyanyopara yakakura seiko?

Mwari muriko here? . . . (131-132)

Tinoona pachishandiswa dzokororo yemazwi iyo inobetsera kuti tinyatse kuona chinhano chekushungurudzika uku.

Tinoona zvichinzi, “. . . ndega” (132). Tinoona zvakare imwe dzokororo inongoratidza zvimwe chetezvo yekuti “mwanangu” (132).

Kudimikira tinokuona kuchishandiswa mukanyaya aka. Kwekutanga kusingatemesi musoro tinokuona mundima inotanga nyaya mumutsetse wepiri uko kunoti, “Zvekubaya mwoyo yavose munharaunda yeMaronda mashanu” (127).

Tozosangana neiyo inotiratidza kuti upenyu hwemuHarare hwainge hwazogara zvakaita sei pamusha paVaTinarwo izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Yakatenge yauya kuzopfunya chisero pamusha pavo nemanyawi ayo ese” (127).

Kugara pabasa kwenguva refu kwainge kwaita Meja kunodimikirwa kuchinzi, “Aive atoita chimera musoro wese ari pabasa” (127).

Iye mukomana uya kana pane zvaakaita mudhorobha nevamwe vakadzi achisiya mukadzi wake ainge ari kumusha hamenowo zvake. Kuita uku kunodimikirwa kuchinzi kana pane “vaakaseva navo” (128).

Kufirwa kwaVaTinarwo kunovaremera. Izvi zvinoratidzwa naBabamunini Tafirenyika apo vanoti, “Denga rake rawa” (128).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>