Zviratidzo zvechirwere chemalaria

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Zviratidzo zvechirwere chemalaria

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoti zvakakosha kuti veruzhinji vatore matanho ekuzvidzivirira kubva kuchirwere chemalaria, zvikuru munguva yekunaya kwemvura apo humhutu hunenge hwakawanda. WAG — kuburikidza nebhuku rakadhindiswa rinonzi “Utano Hwako, Upenyu Hwako” — inoti chirwere ichi chakaipisisa zvikuru kana chikasarapwa kana kudzivirirwa.

Malaria chirwere chinotapuriranwa kubva kune mumwe munhu chichienda kune asina kuburikidza nehumhutu.

Chirwere ichi chakanyanya kuipisisa kuvana vari pasi pemakore mashanu ekuberekwa, madzimai akazvitakura nekuvanhu vanenge vashanya kunzvimbo dzine mukurumbira wemalaria.

MuZimbabwe, malaria inonyanya kuwanikwa kunzvimbo dzakaderera dziri pasi pe1 200m dzakadai seZambezi, Sabi neLimpopo Valley.

Zvirwere zvizhinji zvemalaria zvinoitika mumwedzi waKukadzi naChivabvu apo hutunga kana kuti humhutu hunenge huchiwana nzvimbo dzekuberekera dzakadai semudzihova kana makomba anenge akajenga mvura.

Munguva yekunaya kwemvura, humhutu hune mikana yekubereka zvakanyanya sezvo huchifarira nguva yakadai apo kunze kunenge kuchidziya.

Kudzivirira malaria:
Vanhu vanokurudzirwa kudzivirira ganda kuti risarumwe nehumhutu, sekuti munguva dzemanheru ngavaone kuti vapfeka mbatya dzakareba dzinovhara muviri wose kana kurara vakafuga mambure (mosquito net).

Zorai mafuta anoita kuti musarumwa nehutunga, mamosquito repellent kana kupisa mosquito coil. Ngatiparadzei mizinda kana kuti nzvimbo dzinoberekera hutunga.

Zviratidzo zvemalaria:
Kutemwa nemusoro, kupindwa nechando kupera simba, kudikitira mukati memaawa matanhatu ega-ega, kurutsa nekuita dzungu, kurasa mvura yakasviba asi iri shoma, kurwadziwa nemudumbu nekurukutika.

Kurapa malaria:
Kana uine hurongwa hwekushanyira kunzvimbo dzine chemalaria, tora mishonga yekudzivirira yakadai sedeltaprim.

Kana uchinge waita fungidziro yekuti une chirwere ichi, ona chiremba nekukasika urapwe nekuti chinogona kutora upenyu.

Kana murwere achinge ave kuita pfari, malaria inogona kudaro yakomba kuenda muuropi (cerebral malaria) inova yakaipisisa.

Ipai murwere kudya kunovaka mumuviri nemvura yakawanda kuti awane simba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey