Uncategorized

— Zviwanikwa zveZimbabwe —

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
— Zviwanikwa zveZimbabwe — Vautour oricou. Vautour oricou à gauche et Vautour africain à droite - Ethiopie 2004 Famille des Accipitridés. Ordre : Accipitriformes

Kwayedza

Juliet Sharon Tom

GORA (Inqe/Vulture)
GORA ishiri hombe ine mapapiro anogona kudarika 2m kana ichibhururuka. Shiri iyi ine chipo chekugona kuona chakafa – ingava mhuka – apo inenge iri mudenga.

Magora mazhinji ane mutsipa kana kuti huro isina makushe, izvo zvinoita kuti akwanise kupinza musoro wawo munyama pakudya.

Gora rinodya charawana chakafa, kunyanya nyama inenge yasiiwa nezvimwe zvikara zvesango.

Zimbabwe ine mhando nhanhatu dzemagora dzinoti White-backed vulture, White-headed vulture, Hooded vulture, Lappet faced vulture, Cape vulture nePalmnut vulture.

Sangano reWorld Conservation Union (IUCN) rinoti mashanu emagora anowanikwa muZimbabwe ari panjodzi yekutsakatika zvachose nekuda kwekuti mashoma zvikuru, naizvozvo ari pasi pezviwanikwa zvinochengetedzwa.

Kuti rinzi rakura, gora rinenge rava nemakore mana kana mashanu razvarwa.

Nguva zhinji, gora rinokandira zai rimwe chete, iro rinochechenya mushure mekurarirwa kwemazuva 43.

Gora rakakura kudarika mamwe ose muZimbabwe iLappet faced vulture kuchiti Hooded vulture ndiro diki diki. Asi gora rinonyanyoonekwa muZimbabwe iWhite-backed vulture.

Gora rine maziso anoona zvakadzama kana riri mudenga, kungoona pane nyama bedzi – rinotanga kutenderera riri mudenga kuitira kuti mamwe aone kuti paita chekudya.

Magora anofarira kugara mudondo umo maanowana kudya, asi anokwanisa kusvika mumaguta achitsvaga chikafu.

Magora akakosha zvikuru mukurarama kwezviwanikwa zvepasi rino sezvo “achigeza” kana kuti “kuchenesa” nharaunda nekudya nyama dzinenge dzangosiiwa nezvimwe zvikara. Anokwanisa kudya nyama yemhuka dzinofa nezvirwere asi iwo asingazorwara.

Naizvozvo, magora anobatsira kumisa kupararira kwezvirwere zvakaita se”Anthrax” kumhuka sezvo achigona kudya mutumbi wose wemhuka yafa nechirwere ichi, asi iwo asingazorwarawo.

Zvisinei, kamuitiro aka ndicho chimwe chikonzero chinoderedza huwandu hwemagore sezvo achikwanisa kufa nekudya nyama ine muchetura se”Cyanide”.

Sangano reBirdlife Zimbabwe rinoti magora imhando yeshiri dziri panjodzi pasi rose. Shiri idzi ndidzo dzinokwanisa kuzofa apo chinangwa chinenge chiri chekuuraya mhuka.

Zimbabwe ine rombo rakanaka pakuti shiri idzi dzichiri kutomboonekwa.

Naizvozvo, veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasiyane netsika yekushandisa mitezo yadzo semishonga sezvo zvichiita kuti nyika isare isisina magora – zvinongoda kuti vanhu vagarisane neshiri idzi zvakanaka.

Vamwe vanonyengedzana kuti musoro wegora unobatsira pakufembera – HANDIZVO.

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations: 0772620178

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey