Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MBADA / INGWE
(Ingwe/African leopard)

MBADA imhuka yakanaka uye inoyevedza zvikuru kuiona. Mhuka iyi inganzi inonyara-nyara zvekuti haingoonekwa uye inowanzofamba kana kugara iri yoga.

Kungoona mbada ichizvifambira musango kana kuti irere mudenga pabazi remuti zvinongoyevedza.
Kana dai zvazvo mbada ichigona kufananidzwa nedindingwe (cheetah), mhuka idzi dzine musiyano mukuru. Mbada ine chimuviri chakasimba, makumbo ayo ari mapfupi nemusoro wakakura kana uchienzaniswa newe dindingwe.

Ruvara rwembada rwunowanzoenderana nenzvimbo yainogara, rwuchibva paganda rakatsvukuruka kunosvika pane rakasvibirira, uye dzimwe nguva inowanikwa iri nhema. Ganda rembada rine tumavara kana kuti madoo matema ayo anowandira mumusoro nekumakumbo.

Kana mbada ichigara panzvimbo ine matombo, ruvara rwayo rwunonofananawo nenzvimbo iyoyo, zvimwe chetezvo nekunge ichigara munzvimbo ine miti. Asi mbada inofarira nzvimbo dzine miti nehuswa zvakareba sezvo dzichishandisa mapazi emiti mirefu kutiza chingada kudzikanganisa, kuona zviri kure kana pakudya kuitira kuti dzisabvutirwe nyama nezvimwe zvikara zvakaita semapere (hyena).

Mbada rume (mukono) yakakura kudarika hadzi uye muviri wayo wakagwinya, ichirema kubva pa60 kusvika 90 kgs. Hadzi dzacho dzinorema 35 kusvika 40 kgs uye mbada yakura inoreba pakati pe70 kusvika 80cm.

Mbada imhuka inofarira kuchengetedza nzvimbo yayo, izvo zvinoita kuti mukono mumwe chete uchengetedze hadzi dzingasvike nhatu.

Kudzvova kwembada hakungasvike pane kweshumba (lion) asi kungonzwa padzvova mbada bedzi, haufe wakazvikanganwa – kuita sezvinota sowo (saw) pakucheka puranga.

Mbada hadzina inganzi ndiyo nguva yadzo yekuita vana uye mawuta (mimba) emhuka iyi anotora mazuva 100 apo inobara vana (chidharimbo) vanosvika vatatu.

Mhuka iyi inofarira nguva dzehusiku (nocturnal) asi inokwanisa kuonekwa zuva rakacheka nyika, kunyanya munzvimbo dzine runyararo. Dzinonyanya kufarira nguva dzekunge zuva ronony’ura kusvikira parinobuda uye hadzitambure pakuvhima mhuka dzingange dziripo panguva iyoyo. Mbada inodya kubva kumhuka diki semhembwe (duiker), mhara (impala), nhoro (kudu) kana ngwarati (sable).

Dzinogona kudya shiri, nyoka kana tumwe tupukanana. Pane umboo hunoratidza kuti mbada yakaonekwa ichibata nekudya hove mudhamu reKariba.

Nekuda kwekuti mbada dzinogona kugara munzvimbo dziri pedyo nekunogara vanhu, kakawanda kacho dzinobatwa nemiteyo kana kuti misungo yemhuka iyo inonenge yaiswa zvisiri pamutemo vanhu vachida kubata tsuro kana mhembwe. Naizvozvo vanhu vanofanirwa kufamba vakangwarira mumasango akakomberedza nzvimbo dzine misha.

Mbada inodzvova kana ichinge yakanganiswa. Mhuka iyi haizivikanwe nekungotanga kurwisa munhu, zvisinei nekuti inogona kudya zvipfuyo kana yashaya chikafu chayo chemudondo.

Kushandisa miteyo mukuedza kubata mhuka hazvitenderwe uye imhosva muZimbabwe sezvo izvi zvichikwanisa kukuvadzisa mhuka kana vamwe vanhu naizvozvo veruzhinji vanokurudzirwa kusiyana netsika iyi.
Zvimwe zviri muchinyorwa chino:
Paul Bosman and Anthony Hall-Martin: Big Cats of Africa.
Dale Kenmuir and Russel Williams: Wild Mammals (Bundu Series)

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>