Zvizere pamusoro pechirwere chama ‘piles’

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Zvizere pamusoro pechirwere chama ‘piles’ Dr Parirenyatwa (pakati) naAmbassador Lars Ronnas vachinyorerana chibvumirano chemari inosvika US$24 miriyoni yakapihwa Zimbabwe neSweden apo munyori mukuru mubazi reutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, vakatarisa.

Kwayedza

MA”PILES” itsinga dzinenge dzakazvimba dzichirwadza dziri kunzvimbo inobuda netsvina kana kuti nechemukati (rectum).Murwere anenge akazvimba tsinga idzi anokwanisa kunzwa kunge ane twumabhora mukati kana kuti zvinhu zvakazvimba uye zvinorwadza zvikuru.

Bhuku rakadhindiswa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinonzi Your Health Your Life rinoti chirwere ichi chakaipisisa uye chinowanza kubata vanhukadzi vakazvitakura asi chichizopera hacho.

Zviratidzo:

Zviratidzo zvinosanganisira marwadzo panguva yekuita tsvina, zvikuru inenge yakaomarara.

Kurwadziwa panzvimbo inobuda netsvina uye ichisara yakaomarara kana kutobuda neropa.

Panogona kunge paine kuzvimba.

Ma”piles” anogona kutora mazuva achirwadza achipera asi anozonyuka zvakare.

Asika, kungorwadza kwenzvimbo inobuda netsvina kunogona kudaro kusiri kwemapiles asi huri humwewo hutachiona kana makonye nezvimwewo zvirwere.

Kurapwa nekudzivirirwa:

Chengetedza nzvimbo yaunoita nayo tsvina yakachena nguva dzose. Geza nemvura inodziya uchitova nzvimbo iyoyo.

Isa mushonga unodaidzwa kunzi zinc oxide, ungave wakaita seupfu kana kuti kirimu, kana kuzorera mafuta panzvimbo iyoyo kuti isagare yakaomerwa izvo zvinoita kuti urwadziwe.

Mafuta anobatsira zvakare kuti paye paunoita tsvina hauzorwadziwa zvakanyanya.

Mishonga nemamwe mafuta anozorwa kana uine ma”piles” inowanikwa muzvitoro zvinotengesa mishonga.

Pfeka chipfeko chemukati chakagadzirwa nejira redonje uye pfekawo mbatya dzisina kunyanya kubata.

Inwa mvura yakawanda nemichero uye miriwo inoita kuti tsvina yako isazobuda yakaomarara ichirwadzisa nzvimbo ine ma”piles”.

Idya kudya kunoita kuti mudumbu musafufutirwe kana kuomerwa uye usarambe wakagara panzvimbo imwe chete kwenguva refu.

Kana wave kuenda kuchimbuzi, tora nguva yako urimo, usaita zvechisimba nekuti zvinogona kuwedzera marwadzo.

Muchaneta Chimuka

MA”PILES” itsinga dzinenge dzakazvimba dzichirwadza dziri kunzvimbo inobuda netsvina kana kuti nechemukati (rectum).

Murwere anenge akazvimba tsinga idzi anokwanisa kunzwa kunge ane twumabhora mukati kana kuti zvinhu zvakazvimba uye zvinorwadza zvikuru.

Bhuku rakadhindiswa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinonzi Your Health Your Life rinoti chirwere ichi chakaipisisa uye chinowanza kubata vanhukadzi vakazvitakura asi chichizopera hacho.

Zviratidzo:

Zviratidzo zvinosanganisira marwadzo panguva yekuita tsvina, zvikuru inenge yakaomarara.

Kurwadziwa panzvimbo inobuda netsvina uye ichisara yakaomarara kana kutobuda neropa.

Panogona kunge paine kuzvimba.

Ma”piles” anogona kutora mazuva achirwadza achipera asi anozonyuka zvakare.

Asika, kungorwadza kwenzvimbo inobuda netsvina kunogona kudaro kusiri kwemapiles asi huri humwewo hutachiona kana makonye nezvimwewo zvirwere.

Kurapwa nekudzivirirwa:

Chengetedza nzvimbo yaunoita nayo tsvina yakachena nguva dzose. Geza nemvura inodziya uchitova nzvimbo iyoyo.

Isa mushonga unodaidzwa kunzi zinc oxide, ungave wakaita seupfu kana kuti kirimu, kana kuzorera mafuta panzvimbo iyoyo kuti isagare yakaomerwa izvo zvinoita kuti urwadziwe.

Mafuta anobatsira zvakare kuti paye paunoita tsvina hauzorwadziwa zvakanyanya.

Mishonga nemamwe mafuta anozorwa kana uine ma”piles” inowanikwa muzvitoro zvinotengesa mishonga.

Pfeka chipfeko chemukati chakagadzirwa nejira redonje uye pfekawo mbatya dzisina kunyanya kubata.

Inwa mvura yakawanda nemichero uye miriwo inoita kuti tsvina yako isazobuda yakaomarara ichirwadzisa nzvimbo ine ma”piles”.

Idya kudya kunoita kuti mudumbu musafufutirwe kana kuomerwa uye usarambe wakagara panzvimbo imwe chete kwenguva refu.

Kana wave kuenda kuchimbuzi, tora nguva yako urimo, usaita zvechisimba nekuti zvinogona kuwedzera marwadzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey