Uncategorized

19 vakafira mumvura

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Nyasha Mutena
MAPURISA ekuMashonaland East anoti ari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita njodzi dzevanhu vari kufira mumvura. Mashoko aya anotevera rufu rwevanhu 19 mutsaona dzerudzi urwu kubvira pakutanga kwegore rino. Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Nobert Muzondo, vanoti pavanhu vakafira mumvura ava, vakawanda vavo vana avo vainge vasiiwa nevabereki vavo vari voga vachitambira pedyo nenzvimbo dzaive nemvura.

Mune imwe yetsaona idzi, Tinashe Percy Mungure (9), uyo aigara nevabereki vake panhamba 20 Mukai Street, Rujeko kuMarondera, anonzi nemusi waKukadzi 14 akany’ura murwizi rwaHokoyongozi. Mwana uyu anonzi akany’ura apo aida kugeza mawoko murwizi urwu aine shamwari dzake mbiri.

Tinashe anonzi akatsvedza ndokuwira murwizi urwu achibva afiramo.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kukamba yemapurisa yekuDombotombo zvakazoita kuti mutumbi wake uburitswe.

Insp Muzondo vanoti mumwe murume wechidiki, Cleopas Manhamo (32) wekupurazi reBelvedora kuBeatrice, akakuny’ura murwizi apo aibva kubhawa pakati pehusiku neshamwari dzake, Luckmore Nyakabawo (30) naSimbarashe Matanhire. Nyakabawo naMatanhire vanonzi ndivo vakazotanga kuona mutumbi waManhamo zuva rakatevera zvakaita kuti vazonomhan’ara kumapurisa.

Mumwe musikana wechidiki, Faith Mandizvidza (16) wekwaSvosve kuWedza, uyo anofungirwa kuti aiva nechirwere chekurasika njere anonzi akany’ura murwizi. Tichafa Tinarwo anonzi ndiye ainge amboona Faith achimbeya pedyo nerwizi apo akazomhanya kunotaurira baba vake, VaSamson Mandizvidza (55).

Panguva yavanonzi vakasvika parwizi urwu vakaona mutumbi waFaith watonyangarara pamusoro pemvura.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kukamba yemapurisa kwakare kuWedza mutumbi uyu ndokutorwa kuti unoongororwa nanachiremba.

Insp Muzondo vari kukurudzira veruzhinji kuti vasayambuke nzizi dzinenge dzakazara pamwe nekuona kuti vana vachengetedzwa kubva kunjodzi yemvura.

Share This:

Sponsored Links