$20m yemishonga yehiv

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
$20m yemishonga yehiv

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VANA vanorarama neutachiona hweHIV nguva pfupi yadarika vakabatsirwa ne$20 miriyoni yekutengesa mishonga yakasiyana neboka reUS Agency for International Development (USAID) kuburikidza nesangano re- Africaid/Zvandiri.

Africaid/Zvandiri isangano revechidiki rinorwira kodzero dzavo, zvikuru munyaya dzeutano maringe neHIV.

Sangano iri rinotungamiririrwa naVaNicola Willis vanove murapi wevechidiki avo vanorarama neutachiona hweHIV.

Vachitaura pakunyorerana chibvumirano cherutsigiro rwemari iyi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanotenda ruyamuro urwu vachiti rwuchabatsira mukuderedza utachiona hweHIV kune vechidiki.

“Tinotenda nerutsigiro urwu nekuti rwuchatibatsira kuti tisvike pazvinangwa zvedu zve90-90-90 zvekurwisa HIV kuvana nevechidiki. Senyika, tiri kubudirira zvikuru mukurwisa HIV kubva mumakore 10-15 adarika uye chikamu che80% chevana vari kurarama neutachiona hweHIV vari kunwa mishonga yemaAnti-retrovirals,” vanodaro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vatore maARVs nemazvo kuitira kuti pasazomuka matambudziko ekurwara kana kutadza kupindirana nemishonga apo vanombomira kuitora nekuda kwezvikozero zvakasiyana.

“Nyaya dzekusatora mishonga yemaARVs nguva nenguva ndidzo dzave kumutsa matambudziko mazhinji, zvikuru pachikamu chekutanga nechechipiri chekutora mishonga iyi. Izvi zviri kukonzera matambudziko akaita sekurasika njere,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti ongororo yakaitwa nesangano reZvandiri nguva pfupi yadarika inoratidza kuti vana vazhinji vari kurarama neutachiona hweHIV vari kusangana zvakare nematambudziko ekuremara mitezo.

Mamwe madzimai akazvitakura anonzi ari kukundikana kuwana mishonga yekudzivirira utachiona kuvana vavo – PMTCT – izvo zviri kuita kuti vagumisire vava kuzvara vana vane utachiona hweHIV.

Zvakadaro, Zimbabwe ine zvirongwa zvakawanda zvairi kuita senzira yekurwisa kupararira kweHIV kuvana zvakadai seHIV Testing Guidelines for Children and Adolescents, Accelerated Action Plan for Children and Adolescents, Adoption of Treat All neZimbabwe National HIV and AIDS Strategic Plan (ZNASP).

“Zvandiri yave nemakore anodarika gumi nemana ichishanda nebazi rezveutano mukutsigira vana vanorarama neHIV. Pari zvino vana vanodarika 32 000 vari kumatunhu ose gumi ari munyika muno avo vari kurarama neutachiona uhwu vari kutsigirwa uye sangano iri rakakwanisa kudzidzisa vatsigiri vechirongwa ichi 825 avo vari kushanda muzvipatara nemakiriniki zvinosvika 410,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vatsigiri veCommunity Adolescent Treatment Supporters (CATS) vanoshanyira zvakare vana ava muzvipatara mavanenge vachirapwa pamwe nemudzimba vachibatsira nemukurapwa kwavo nekupangwa mazano.

“Munguva pfupi yadarika, nhengo dzeAfricaid International AIDS Society Youth Champion dzakasimudza mureza weZimbabwe pamusangano mukuru weInternational AIDS Conference uyo wakaitwa kuParis. Kunyangwe dzimwe nyika dzakaita seSwaziland, Mozambique neTanzania dziri kuda kutevedza matsimba edu mukutsigira vechidiki vane HIV kuburikidza neCATS Model,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

VaWillis vanoti: “Mari iyi ichange ichishandiswa mukati memakore mashanu mumatunhu makumi maviri mukusimudzira utano hwevechidiki vane utachiona hweHIV. Tine shungu dzekuti vechidiki vakawanda vange vachiwaniswa mishonga yavo yemaARVs nenguva dzakafanira.”

USAID Zimbabwe Mission director VaStephanie Funk vanoti vacharamba vachitsigira vechidiki munyika muno, zvikuru vana vakarasikirwa nevabereki nekuda kweHIV.

Ongororo yakaitwa muna 2015 nebazi rezveutano nekurerwa kwevana inoratidza kuti vana 77 000 uye vechidiki 69 000 vari kurarama neutachiona hweHIV muZimbabwe.

Zvakabuda zvakare muongororo iyi kuti HIV ndiyo honzeri yendufu dzakawanda kune vechidiki vane makore ari pasi pemashanu ekuberekwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>