65 vakapedza zvidzidzo zvekurima

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VADZIDZI 65 vezvekurima – avo 34 vavo vanove vanhurume ne31 vanhukadzi – svondo rapera vakapedza zvidzidzo paGwebi Agricultural College, kuNyabira.

Mhemberero dzekupihwa zvitupa kuvadzidzi ava dzakaitwa pasi pedingindira rinoti “Kutsigira nyaya dzekurima kunoendeka, dzidzo nekufundiswa kuchengetedza chikafu chenyika neupfumi”.

Vachitaura pagungano iri, mutevedzeri wegurukota rezvekurima nekuvandudzwa kwemichina yemadiridziro, Cde Davis Marapira, vanopembedza koreji iyi mukubura nyanzvi dzezvekurima idzo vanoti dzinobatsira mukusimudzira ruzivo rwekurima kune vamwe varimi vakatekeshera nenyika.

“Mumakore mazhinji adarika, makoreji ezvekurima ari kubura nyanzvi dzezvekurima idzo dzinonobata mabasa akasiyana munyika. Tinoda kuti vange vachipfumbatira zvirongwa zveHurumende zvakadai seZim-Asset kuti vave vakotsveri vazvo uye kuwaniswa kwenyika kudya kunovaka muviri pamwe nekugona kuvandudza zvirimwa zvedu vachigadzira zvimwe zvinhu zvakakosha mumisika mikuru (value addition),” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kuti munoshanda nesimba kuminda nemarabhoritari kuti nyika ive nemaguta. Endai munokusha ruzivo rwenyu kune vamwe varimi ndiko kuti nyika isaramba ichirasikirwa nemari ichitenga chikafu kunze,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Dr William Matizha, vanove principal wepakoreji iri, vanoti kufundiswa kwevadzidzi nyaya dzekurima kwakakosha kuti nyika igone kurima nekuzvichengetera chikafu chayo.

“Chinangwa chedu chikuru ndechekuita zvinhu zvinoendeka uye kuti vechidiki vave nechido munyaya dzekurima nekuti ndimo munobva upenyu hwechese chinorarama pasi pano,” vanodaro.

Vanoti koreji yavo ichiri kuda vatsigiri kuti ibudirire mune zvimwe zvirongwa, zvikuru sechekurima kwematsutso (conservation farming).

Koreji iyi iri kubatsirwa muzvirongwa zvekufundisa vadzidzi nemasangano anosanganisira reAfrican Conservation Tillage Network iro rinotsigirwa neNorwegian Agency for International Development.

Vadzidzi vepo vanochengeta mombe uyewo varimi vemunharaunda yakakomberedza Gwebi Agricultural College vanobatsirika nekuvandudzwa ruzivo rwavo kuburikidza nerutsigiro rwesangano reNurture Education Trust.

Kubvira pakavambwa koreji iyi muna1950, yakabura vadzidzi 2 420 vezvekurima.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>