‘AIDS Ride’ kuchovha kukunda denda

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘AIDS Ride’ kuchovha kukunda denda

Kwayedza

SURYA Prakash Makarla chizvarwa chenyika yeIndia uye ari munhu ane shungu dzekupedza denda reHIV. Semhuri vakarasikirwa nemwana wemukoma wake kubva kuTB/HIV mugore ra2003 kuIndia kwakare. Mugore ra2003 mhuri iyi yakatamira kuenda kuToronto kuCanada uko shungu dzekuda kuve vamwe vevanhu vanoshanda mundima yekurwisana nedenda iri dzakaramba dziri maari.

KuCanada, akaona kuti vanhu vazhinji vaichovha mabhasikoro kuenda kumabasa kana kubhawa. Akaona varume vaviri, mukoma nemunin’ina, vanonzi Ewa naBart avo vaichovha mabhasikoro kuenda kubhawa zuva rega-rega.

Vaviri ava vanochovha mabhasikoro kuenda kure kunogona kukwirwa chitima kana bhazi asi ivo vanodikitira kusvikira vasvika.
Makarla akataurira varume vaviri ava chishuwo chake avo vakabvuma kuchovha mabhasikoro vachizivisa vanhu nenhau yeHIV uye kuchemera hurumende kuti ipe vanhu mishonga yemaARV.

Nhasi uno AIDS Ride yachovha ndima pasi rose, sangano ravakavamba rinoshanda richinzi BCARE rakatanga nachiremba mumwe chete nemushandi asingaoni mumwe chete. Sangano iri rinopa dzidzo pamusoro pemagariro akanaka ekurarama neutachiona hweHIV, kuziva kudya kwakanaka uye simba rekurarama neutachiona hweHIV.

BCare ine nzvimbo yainopira mapiritsi muIndia kuTirupati, Hyderabad nekuDehli. Vakavhurazve nzvimbo dzekushandira mbiri kuNew York kuAmerica uye vanoshandirawo kuCanada.

“MuAIDS Ride ndima inofambiswa nevanochovha mabhasikoro uye muBCare ndimo munoshandwa kune vanoda mishonga yemaARV nedzidziso yose yekurarama neutachiona hweHIV.

‘‘Kuonerwa pasi kwevanorarama neutachiona hweHIV, kudzidzisa kuti utange mishonga uchakasimba usazove chitambire cheTB, herpes nezvirwere zvinotapukira ndizvo zvimwe zvatinoita kusangano redu,” akadaro Mikarla.

Vanhu vanochovha mabhasikoro kuAIDS Ride nhasi uno vawanda kubva pavarume vaviri ava vava kusvika 350 vanove vakachovha mugore ra2014 kumusangano weAIDS wakaitwa kuSydney, Australia.

VeAIDS Ride vari mushishi kugadzirira kuchovha shoko kumusangano uchaitwa munyika yeZimbabwe weICASA musi wa28 Mbudzi kusvika 4 Zvita muguta reHarare.

Musangano uyu ndiwo mukuru muAfrica wezvirwere zvepabonde uye unotarisira vanhu vanosvika 5 000.
Vamwe vachichovha kukunda denda iwe usachovha kuparadzira utachiona hutsva hweHIV!

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>