Uncategorized

Aiwombera chikomba chemukadzi achinzi nditsano . . .ndini ndakapfimba chikomba: mukadzi

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Aiwombera chikomba chemukadzi achinzi nditsano . . .ndini ndakapfimba  chikomba: mukadzi Gladys naSilas Zambezi. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
ZVAARI mashura! Mukadzi obatwa nemurume wake achisasana nechikomba, obva amuudza kuti; “Siyana nechikomba changu, ini ndini ndakatochitsvaga ndichida kupfidzisa iwe. Wanyanyawo kuita chipfambi iwe.” Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemumwe mukadzi wekuChitsvatsva, kwaSeke pedyo neChitungwiza, kumurume wake.

Mukadzi uyu anoti ndiye akapfimba chikomba icho ainyepera murume wake kuti ihanzvadzi yake kusvikira musi wavakazobatikidzwa vachishinha uye anoti akaita izvi senzira yekutsividza chipfambi chemurume wake. Izvi handizvo bedzi; sezvo mukadzi uyu ainyebera murume kuti chikomba chake ichi ndibhudhi – ihanzvadzi yake – izvo zvaiita kuti murume wake achikudze achifunga kuti nditsano. Kutosvika pakuchiombera, kuchishanyira kumba kwacho nekuchibatsira pane zvachaida, satezvara.

Muhurukuro neKwayedza – murume wake aripo – Gladys Zambezi Nyamadzawo (42) akataura asina kana ganda kumeso, kuti akabatikidzwa nemurume wake, Silas Zambezi (40), apo aishereketa nechikomba chaakati chinonzi Munyaradzi. Pavakabatikidzwa, mukadzi uyu nechikomba vakatiza iye ndokumbonogara kuhama dzake uko akazodzoka achiita “kuimba” chaiko.

Achinongedzera murume wake Zambezi, Gladys akati: “Ma’previous’ emurume uyu ndiwo akandiita kuti ndizodaro, kutsvaga chikomba. Murume wangu uyu ane vana vaviri vekunze. Saka ndaida kuti anzwewo kurwadza kwazvo. “Chikomba changu ichi hachina mhosva. Ndini ndakatochinyenga.

“Munofunga kuti imi ndaiitawo sei? Murume wangu uyu aigona kupedza mwedzi 9 tisina kufadzana. Ichokwadi, akazondibata akandihedha zvakaoma nemusoro. Takatiza tose nechikomba zvekuti handizive kwachakaenda. Ini ndakanogara kwaambuya vangu kuRushinga uko ndakazodzoka murume wangu anditi ndidzoke.”

Paidonongodzwa twose utwu naGladys, murume wake, VaZambezi, vainge vachingoringa-ringa pasi vasati vatangawo kutaura.
VaZambezi, avo vane purazi kuMatepatepa, kuBindura, vanoti zvakaitwa nemudzimai wavo zvakavagura kunorira sezvo vaipa chikomba chake ichi rukudzo rwakanyanya vachifunga kuti yaive hanzvadzi yemudzimai wavo.

“Nyaya iyi ndakaiitwa nemudzimai wangu iyeyu Gladys nemurume wavaindinyepera vachiti ihanzvadzi yake. Murume uyu ndaitomukudza ndichimuti tsano, tezvara vangu, ndisingazive kuti taidya mutohwe mumwe chete,” vanodaro VaZambezi.

“Munyaradzi wacho ndaitogara ndichimubatsira zvikuru ndichifunga kuti nditsano dakara ndakazovabatikidza varere nemudzimai wangu uyu.”
Vanoti hukama uhu hwakatangira kuChitungwiza apo chikomba ichi chaigara kuUnit J, uye vaitobvakachirana.

“Ndaitoshanyira murume uyu ndichitomubatsira nemari nezvimwe zvaaida. Ini ndaitofunga kuti hwaiva hukama chaihwo ndisingazive kuti ndaitambwa. Mudzimai wangu aitaura kuti hukama hwavo hwaibva kumadzisekuru avo.

“Iye uyu (vachinongedza mudzimai wavo) aitoti kumukadzi wechikomba chake ichi muroora, chikomba chichinzi hanzvadzi,” vanodaro VaZambezi. Zvisinei, vanoti chikomba ichi chakazoshevedzwa nemudzimai wavo nemunin’ina wake kuMatepatepa vachiti vaida kuchitsvagira munda wekurima.

“Ini ndiri murima kudaro, vadzimai vangu vakashevedza chikomba ichi vachiti vaida kutsvaga munda wehanzvadzi yavo nyambisirwa kwaida kuti auye pedyo kuti vadanane zviri nyore sezvo takanga tava kugara kupurazi. Vakambosvikogara papurazi rangu reBatcombe ndokuzoenda kupurazi reFrinkton kwaamainini vangu, uko ainzi aiva akamirira kuti apihwe munda. Ini handina kuziva kuti paitova nerudo pakati pemudzimai wangu nemunhu wandaiti tsano uyu,” vanotsanangura vachidaro VaZambezi.

Vanoti mukadzi wavo anobva kuGokwe ichiwo chikomba chichibva kuMasvingo.  “Ini ndinobva kuZvishavane asi kubva kuroorana kwatakaita makore 21 akadarika, handina munhu wekumhuri yemudzimai wangu akataura kuti aiziva ainzi hanzvadzi nemudzimai wangu uyu (Munyaradzi).”

Murume uyu anoti akazosvika pakunyumwa paakabata mashoko munharembozha yemudzimai wake ekumhoresana kwaisava nehunhu nechikomba ichi ayo aiti: “Iwe uri sei zvako, uri kuzvigona sei?” Vanoti kubva panguva iyi vakabva vatanga kufungidzira kuti vaviri ava vanodanana sezvo vakange vave kuita hwebhande nebhurugwa.

“Mudzimai wangu aifarira zvikuru kugara achienda kunoona yaaiti hanzvadzi iyi, asisade kugara kupurazi kwedu. Ipapo ndakabva ndamurambidza kuenda kupurazi uku, asi airamba achiendako zvekaverevere,” vanodaro. Pose paitsananudza murume uyu nyaya iyi, mudzimai wake ainge aripo, achigutsurira kubvumira zvimwe zvacho.

Nyaya iyi inonzi yakazofumuka rimwe zuva apo motokari yaiva ichityairwa nemwanakomana wavo yakafira mumugwagwa unobva muBindura uchienda kuMt Darwin. VaZambezi vanoti musi uyu vakabva kumba vachinogadzirira motokari iyi vachisiya Gladys ari pamba. “Ndakatora nharembozha yemudzimai ndichida kufonera mwana uyu apo ndakazoona mashoko avaitaura nechikomba ichi ekudanana uyewo nemufananidzo wemudzimai wangu asina kupfeka uyo akatumira kuchikomba,” vanodaro.

Murume uyu anoti akazodzoka kwaiva kwafa motokari iya mushure mekuigadzira ndokusvikowana Gladys asipo. “Ndakangonyumwa ndichibva ndatevera kupurazi kwaigara chikomba ichi uko ndakasvikowana vaviri ava vakavharirana mumba. Vandiona, ndakavarwisa vachibva vatiza vose vachienda kusina anoziva.

“Kubva mwedzi waChikumi pandakavabatikidza, ndaingovatsvaga vose ndichivashaya. Ndakazoridzira mukadzi wangu nhare mwedzi wadarika uyu ndokuwirirana kuti tisangane kupurazi uko takanotaurirana tikanzwisisana kuti tidzokerane nekuda kwevana vedu vatatu vatiinavo. Izvozvi vari pano pamba. ‘It’s all water under the bridge’ (zvakaitika zvakadarika). Takaregererana.

“Ndakaenda kumagweta nenyaya iyi vakandiyambira kuti mudzimai adzoke sezvo tiine muchato weChapter 5:1 kana kuti 37 vachinditi zvose zvinhu zvaizogoneka uye kana tichida kurambana tozviita tiri tose,” vakaenderera mberi vachidaro. Murume uyu anoti haana pfungwa dzekusungisa chikomba ichi sezvo chakarezvwa sehove nemukadzi wake.
Gladys anotiwo izvi akazviita nekuda kutsividza kana kuti kupfidzisa kurwadziswa uko aiitwa nemurume wake.

“Nechikomba ichi takasangana kuCrestbreeders (muguta reHarare) tichihodha hukwana, ndokuzosangana zvakare kechipiri apo takadanana.
“Ndainyepa kuti ihanzvadzi yangu ndichida kuviga rudo rwedu,” anodaro. Gladys anoti anochengetwa zvikuru nemurume wake sezvo “achindipa mari yandinoda pamwe chete nevana”.  “Zvimwe ndezvimwe, mari ndinopihwa, kana US$2 000 chaiyo nevana vanogara vaine mari. Ndinopihwa mari yekuenda kuTanzania yekunotenga nekutengesa zvinhu uye kuenda kuChina, ndakwira ndege kasingapere nekuda kwababa ivava,” anodaro Gladys.

Imwe nyaya inonzi nemudzimai uyu inomurwadza ndeye midziyo yavanotenga yaanoti inongoiswa muzita remurume. “Tine masitendi ekuvaka dzimba mana ose ari muzita rababa, ini ndinoshanda zvikuru ndinotyira kuti vana vangu ndikazofa vanotorerwa nevamwe vana vari kunze ava,” akadaro.

“Ini ndiri Mangwenya handina zvinoyera kana pasisina rudo hapasisina. We can’t force matters (hatikwanisi kumanikidza zvinhu). Ndakanga ndati ndodzokera zvangu kumba kwedu ndonotanga zvitsva ikoko, amai vangu vapenyu vari kuNorton asi havagone kunzwa nyaya idzi dzinonyadzisa asi mbuya ndakavataurira,” akadaro. Vaviri ava vanorarama nekutengesa muno nekunze kwenyika uyewo nekurima kupurazi ravo kuBindura. Kwayedza haina kukwanisa kutaura nechikomba ichi sezvo VaZambezi nemudzimai wavo vose vakati vakange vasingazive kwachiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>